Thursday, May 23rd
Headlines:
Dynamos yokwira makata PDF Print E-mail
Friday, 13 July 2012 08:10

naAbel Ndooka
CHIKWATA cheDynamos FC svondo rino chine gomo

 

guru rekukwira apo chiri kunanga kunyika yeAngola kunosangana necheInterclube kuLuanda mumutambo wechipiri weConfederation Cup.
DeMbare, sezita remadunhurirwa reDynamos, inofanirwa kuhwina kana kuita mangange mumutambo uyu kuti ikwanise kuenderera mberi mumakwikwi aya.
Mutambo wekutanga wakatambirwa muno kunhandare yeRufaro masvondo maviri apfuura wakapera uri mangange 0-0.

DeMbare yakazorakasha Black Mambas 6-0 svondo rapfuura mumutambo weCastle Lager Premiership uyo wakaona mutambi wavo wemberi, Takesure Chinyama, achimuka chibhebhenenga  ndokunwisa katatu mumutambo uyu.
Mutevedzeri wemurairidzi wechikwata cheDynamos, Tonderayi Ndiraya, akati kurakasha kwavakaita Black Mambas Svondo kwakasimudzira morari yavo zvekuti kuAngola vari kunotsvaga kuhwina chete.
Akati chikwata chavo chichaedza nepachinogona kuti chinwise mutambo uchangotanga uye vakazotadza havo kuhwina vachaedza kuti mutambo upere uri mangange.
“Kuhwina kwatakaita svondo rapfuura kwakasimudzira morari yedu zvekuti tiri kuenda kuLuanda kunotsvaga kuhwina chete uye tichaedza kuti tinwise mutambo uchangotanga.
“Kana tikazotadza hedu kuhwina ticharwisa kuti mutambo upere uri mangange 1-1 nekuti ndiyo yega nzira yekuti tikwanise kuenderera mberi mumutambo uyu,” akadaro Ndiraya.

Zvakadaro, basa remurairidzi weDynamos — Calisto Pasuwa — riri patambo nekuti akanzi anofanirwa kuhwina mitambo mitatu yakatevedzana nevakuru veDeMbare zvichitevera kusatamba zvakanaka kwange kuchiita chikwata chake nguva yadarika.
Mune mimwe mitambo iriko svondo rino muligi yeCastle Lager Premiership, chikwata cheMotor Action, iyo yakaoneswa chitsvuku svondo rapfuura neChicken Inn, ichange ichiedza kubvisa marwadzo apo iri kusangana neMonomotapa kunhandare yeCallies.
CAPS United ichange ichitatsurana neHwange kunhandare yeGwanzura kuchitiwo Highlanders iri kusangana nechikwata cheQuelaton.
Kuenda kweDeMbare kuAngola kwakambopawo FC Platinum nguva yekufema sezvo zvikwata izvi zvaifanirwa kusangana svondo rino.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links