Wednesday, Jun 19th
Headlines:
Ndambozorora: Chunga PDF Print E-mail
Monday, 23 July 2012 14:29

naAbel Ndooka

MURAIRIDZI wenhabvu ane mukurumbira, Moses “Bambo” Chunga,anoti  anoda nguva yekumbozorodza pfungwa dzake maringe nenyaya dzenhabvu zvichitevera kuramwa kwaakaita basa rekurairidza chikwata cheBlack Mambas nguva pfupi yadarika.
Zvichitevera nyaya iri kutenderera yekuti angangopihwa chigaro chinopisa kuchikwata cheDynamos kuti arairidze, Chunga, uyo anonyanya kuzivikanwa saBambo uye nekusatenderera kana aine zvaanoda kutaura, akati haasi kuda kufunga zvakanyanyisa nezvenhabvu nekuti zviri kumutemesa musoro. Saka ari kumbomira kupinda munyaya dzenhabvu achizorodza pfungwa dzake.

“Varume ndakambozorora, handisi kuita zvenhabvu mazuva ano nekuti ndinoda zororo kwekanguva mbichana.
“Chimbondipaiwo kanguva kadiki ndimbozorora nekuti handisi kuda kuramba ndichitemeswa musoro nenyaya dzenhabvu, ndichambozorora,” akadaro Bambo.
Bambo akasiya chikwata icho chaairairidza mwaka uno cheBlack Mambas mushure mekunge chanzwa nekurakashwa nezvimwe zvikwata zviri muCastle Lager Premiership.
Asati aenda kuBlack Mambas, Bambo airairidza chikwata cheGunners icho chaakatungamirira mukusimudza mukombe wegore ra2009.

Akazoramwa basa mwaka wakatevera achienda kuCAPS United uko kwaasina kugara nguva refu ndokudzokera kuGunners zvakare uko akazonoponesa chikwata ichi nepaburi retsono kuti chirambe chiri muligi yepamusoro iyi gore rapfuura.
Izvi zvinoreva kuti mumakore maviri apfuura, Bambo akarairidza zvikwata zvitatu zvinoti CAPS United, Gunners uye neBlack Mambas uko kwaachangobva kusiya basa.
Zvakadaro, pane runyerekupe rwekuti Bambo angangopihwa basa rekuva technical advisor kuchikwata cheDynamos uko mubatsiri wake anenge ari Calitso Pasuwa uyo anove murairidzi weDeMbare pari zvino.-Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links