Thursday, May 23rd
Headlines:
Dambudziko remateya PDF Print E-mail
Monday, 23 July 2012 14:35

naElsie Mojapelo

VANA vakawanda vanoita dambudziko remateya vari vadiki.
Kune vamwe, dambudziko iri rinozopera asi kuvamwe zvoramba zvakadaro.
Mwana kana achinge aine mateya zvinoreva kuti mabhonzo ake anenge akapfava, asina kusimba nechikonzero chekushaya zvimwe zvinovaka muviri zvakaita se“vitamin D”, “Calcium” neMagnesium”.
Kana zvakadai zviri nyore kuti mabhonzo emwana atyoke kana kutsemuka opedzisira aiswa “plaster”.

Dambudziko iri rinonetsa vana vakawanda kunyanya munyika dzichiri kubudirira uye vana vari panjodzi huru vanosanganisira:
l Vaya vari kuyamwa vana amai vacho vasingarohwi nezuva.
l Vana vari kuyamwa vasingabude pazuva.
l Vana vanopihwa chikafu chisina “vitamin-D” yakakwana.
Zvikafu zvinobatsira pakudzivirira vana kudambudziko iri zvinosanganisira:
l Majarina
l Mukaka une ruomba
l

Hove dzine mafuta akawanda
Zviratidzo zvekuti mwana ane mateya zvinosanganisira:
1. Kurwadziwa nekupfava kwemabhonzo
2. Matambudziko nemazino
3. Kushaya simba kwemhasuru
4. Kukuvara-kuvara mabhonzo achityoka.
5. Kukombama kwemakumbo kana kubatana pamabvi.
6. Kusakura zvakanaka.
Munogonawo kuenda naye kunachiremba vanoita ongororo dzinosanganisa:
l Kuongorora ropa kuti vaone zviri kushaikwa mumuviri.
l Kutora mifananidzo yema X-Ray kuti vanyatsoona kugara kwakaita mabhonzo emwana.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links