Thursday, Jun 20th
Headlines:
Indasitiri yemhanzi ‘mazino’ chaiwo PDF Print E-mail
Monday, 23 July 2012 14:56

neMunyori weKwayedza
MUIMBI wemusambo wereggae uyo achiri kusimukira, David Chikuya aka Ras Macca Bee,

 

oti indasitiri yemhanzi yazomubvisa chiri kumeso sezvo aifunga kuti zvese zviri nyore pakutanga.
Ras Macca Bee akati chiri kunyanyoomesa upenyu hwake panguva ino kushaya mapuromota anomubatsira apo anenge achida kuita mashoo.
“Indasitiri yakaoma iyi, kunyanya zvedu isu vachiri kutanga tichiri kushanda tisina mapuromota zvekuti kuronga shoo chaiko inyaya.
“Kubva pandakatanga kuimba nekutsikisa muna 2010 kusvika nhasi ndinoti kana ndoda kuita mashoo ndobatanawo nevamwe vachiri kusimukira seni toita kanzatu kanzatu kubatanidza mari yekugadzira maposter nezvimwe zvinodiwa toita mashoo asi hazvisi nyore nekuti mari yacho hatina.

“Chishuwo changu kuti dai isu vachiri kutanga tabatana toumba sangano redu rinotimirira zvekuti kana toita mashoo toita pamwe chete zvisinei nekusiyana kwakaita misambo yedu zvimwe tingabatsirikana towana mari yekutangisa,” akadaro Ras Macca Bee.
Ras Macca Bee, uyo akatsikisa dambarefu rake rekutanga rinonzi Left Alone muna 2010 apo aitaura nezvekukura kwaakaita ari ega mushure mekufirwa nevabereki, akati shungu dzake kuti mhanzi yemuno ishanduke iwanewo zvainobatsira kuvateereri.
“Tariro ndeyekuti mhanzi yemuno inakidze, isanduke isvike pakuvaka veteereri kwete kungotukana  nekunyangadza,” akadaro.

Zvisinei nekuomerwa uku, Ras Macca Bee anoti ari kuona ramangwana rake rakajeka sezvo mashoo ake achizara nevanhu.
“Kubatsirwawo nevamwe vaimbi vakakura kare tinenge tichida asi chishuwo changu kuti nditange ndazviitira zvangu ndozotanga kubatanawo nevamwe tichiridza tese kwete kuita zvekuberekwa nevamwe.
“Hongu zvinenge zvakaoma asi kurudziro yandinoda kupa kune vamwe vakaita seni kuti tishingirire, tinyatsotora nguva yedu  kuumba mhanzi  chaiyo inokwikwidzawo nevamwe vaimbi vekunze,” akadaro Ras Macca Bee.-Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links