|
Monday, 23 July 2012 14:57 |
naIvan Craig Chinhu chinonzi “winter plough” kana
kuti kurima munguva yemuchando hachisi chitsva kuvarimi vazhinji. Uku kurima munda tichingobva mukukohwa kana kuti nguva yechando isati yadarika uye izvi zvinobatsira mune zvakawanda sekuona kwamuchaita muchinyorwa chino. Munobvumirana neni kuti tichingobva mukukohwa tikachera pasi panenge pachine hunyoro saka ndihwo hwatinoda kuti tishandise kugadzirira mwaka unenge uchitevera:
l Tikapindura ivhu tichingobva mukukohwa tinenge tichitochengetedza hunyoro hunosarira l Kana tichipindura ivhu ndinovimba tose tinoona marara, ndove pamwe nemashanga zvichifushirwa uye kana zvafushirwa muchine kahunyoro zvinobva zvaworera zvoita manyowa ivhu robva rakorera l Patinokohwa tikatarisa pasi tinoona pamwe paine mhodzi dzesora asi kana tadzirimira pasi zvinoreva kuti zhinji dzacho dzichawora zvinopa kuti sora riite shoma mumwaka unotevera l Muzvirimwa munoita zvirwere mumashanga kana mumagunhi, kurimira mashizha kana magunhi aya muvhu kuuraya hupenyu hwezvirwere izvi
l Tupembenene twunosiya mazai atwo mukupera kwemwaka, munda ukarimwa muchando zvinoreva kuti mazai aya achafusirwa muvhu rine kahunyoro zvichizobatsira kuuraya mazai aya nekudaro tupembenene twunoita twushoma mumwaka unotevera l Pasi kana pakaoma panonetsa kuchera dzimwe nguva mudziyo unenge uchishandiswa unobhenda kana kukurumidza kupera, zvimwechetewo nemagejo anokurumidza kupera miromo nedzimwe simbi l Kana tarakita ichidhonza muvhu nyoro inoshandisa dhiziri pamwe nemamwe mafuta mashomanana pane iyo inoshanda muvhu rakaoma l Zvipfuyo zvatinoshandisa pakurima zvinenge zvichakasimba uye hazvishandisi simba rakawanda kudhonza gejo nekudaro munorima ndima yakakura l Kana tichirima, gejo rinofanira kudzika pasi saka kana pari panyoro gejo rinofamba nekudzika zvakanaka
l Zvirimwa zvose zvinokurudzirwa kudyarwa nemvura yekutanga nekudaro kana munda usina kurimwa zvinoreva kuti ucharimwa nemvura yekutanga iyo inofanirwa kunge ichidyariswa nayo saka munenge matononoka kudyara l Munda kana uchinge warimwa munguva yechando haufanire kunge uchitsikwa-tsikwa nemombe nokuti dzinenge dzichitsindira l Haufaniri kunge uchiregerwa sora richimera nokuti rinoburitsa mvura inenge yakachengetedzwa muvhu zvichiburikidza nemashizha Kurumana nzeve: Ngativei varimi vanofarira kugara munyika yakachena, ngatisarasirei marara pese-pese, chero tiri mumakombi kana mubhazi ngatichengetei marara tozorasira munzvimbo dzakakodzera.-Kwayedza
|