Wednesday, Jun 19th
Headlines:
EMA yopa yambiro yemoto PDF Print E-mail
Monday, 23 July 2012 14:58

neMunyori weKwayedza
VERUZHINJI vakayambirwa kuti vasatange moto

wesango pose-pose rinova dambudziko rinowanikwa zvikuru munguva ino yechirimo gore negore.
Sangano reEnvironmental Manage-ment Agency rakapa yambiro iri kuvarimi nevamwe veruzhinji kuti vangwarire moto wesango uyu.
Mushandi anoona nezvekudyidzana neruzhinji kuEMA, VaSteady Kangata, vakati gore roga-roga vamwe vanhu vanofa uye zviwanikwa zvakawanda zvinoparadzwa nekuda kwemoto wesango.

“Zviwanikwa zvedu zvapera nekuda kwemoto unongopiswa nevanhu pamadiro vasingazive kukosha kwezviwanikwa izvi, ibasa remunhu wese kuti aone kuti moto warega kupiswa pose pose,” vakadaro.
Nedonzvo rekudzivirira kupiswa kwemasango, EMA iri kushanda nemadzishe pamwe chete nevamwe vatungamiri vakasiyana vekumatunhu ekumaruwa nekumapurazi.
Gore rapera, kupiswa kwemasango kwakadzikira nechikamu chinoita 38% kubva muzana kana zvichienzaniswa negore ra2010.
Mugore ra2011, moto wakapisa masango akatandavara mahekita                713 770 kuchitiwo 2010 kwakapiswa akakura mahekita 1 152 413.
Vanhu vashanu vakafa nemoto wesango gore rapera muna 2010 kwakashaika vanhu makumi maviri nevashanu.

Vamwe vevanhu vakashaya ava vanonzi vainge vachiedza kudzimura moto.
Zvakadai, EMA iri kukurudzira vanhu kuti vasiyane netsika yekukanda zvigusvani zvefodya pose-pose, kubatidza moto vachivhima kana kuchera mbeva, kuedza kuwisa miti nemoto nezvimwewo zvinotangisa moto wesango.
Varimi vakakurudzirwa kugadzira mafire guard mumapurazi avo izvozvi kuti moto usapambire kune dzimwe nzvimbo kana wabatira.
Moto unopisawo zvirimwa nekuuraya mhuka dzemusango pamwe chete nezvipfuyo zvakaita semombe.
EMA iri kushanda zvakare nemapurisa mukuona kuti avo vanotyora mutemo varangwa zvakakodzera.-Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links