Wednesday, Jun 19th
Headlines:
Kurudziro yekuchengetedza zvirimwa muchando PDF Print E-mail
Monday, 23 July 2012 14:59

neMunyori weKwayedza

VARIMI vezvirimwa zvemuchirimo vakakurudzirwakuzvichengetedza kuburikidza nenzira dzakasiyana-siyana idzo dzinosanganisira kuzvifukidza kuti zvisarohwe nechando.
Mashoko eyambiro aya akabva kunyanzvi dzebazi rezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department, zvichitevera mamwe matunhu enyika anonzi acharamba achidonha chando.
Mukuru kuchikamu chezvekuongororwa kwemamiriro ekunze, VaTich Zinyemba, vakati vamwe varimi vazhinji vanorima mapindu vari kuvarairwa vachifunga kuti chando chakatopera.

“Chando chichiriko mumwedzi uno waChikunguru kusvika muna Nyamavhuvhu chaimo, chinotarisirwa kutodzika zvekupisa zvirimwa zvakaita semuriwo, matomatisi, mbatatisi, makarotsi, derere nezvimwewo zvakasiyana,” vakadaro VaZinyemba.
Vakati kune zvimwe zvirimwa zvinodheererwa nechando zvikuru izvo varimi vanofanirwa kukomberedza nehuswa, mapurasitiki kana masaga kuti chisasvike padyo nazvo.
Vakati kana michero chaiyo inosvika pakurohwa zvakare nechando zvinoita kuti izotadza kukura zvakanaka.

VaZinyemba vakati dambudziko rechando rinonyanya kukanganisa zvirimwa zvemumapindu, minda yemumatoro kana iri padyo nenzizi.
Varimi vazhinji vematomatisi vane zvirimwa zvave kuibva uye zvimwe zvave kuita maruva izvo zviri panjodzi yekurohwa nechando.
Zvakadai, kune zvimwe zvirimwa zvakatorohwa kare nechando kumatunhu akasiyana enyika uye izvi zvinoita kuti goho ridzikire zvikuru.-Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links