|
naKingstone Mapupu NYAYA iya yemukuwasha wekunzi akapa ambuya — mukadzi watsano — pamuviri yave nepamwe zvichitevera mashoko
ekuti mukadzi uyu akarohwa senyoka yapinda mumba nemurume wake uyo akabva aenda kuSouth Africa. Mukubuda kwenyaya izvi zvinonzi murume wemukadzi uyu, Pozo Rufere, paakaverenga bepanhau reKwayedza akaita shungu ndokuenda kunorova mudzimai wake, Ruddie Ndoro, achimuti zvaiva nani kuti dai akapihwa nhumbu nechimwewo chikomba kwete nemukuwasha wake. Ruddie, uyo akaramba nyaya iyi yekuti akazvambaradzwa nemurume wake, anonzi akapihwa pamuviri nemukuwasha wake – Raphael Kahanda Murehwa. Murehwa akaroora hanzvadzi yaPozo. Pozo akange ari kujeri uko aipikira nyaya yekurova shamwarikadzi yake zvakaipisisa uye paakadzoka kujeri mwedzi wadarika, akawana mudzimai wake ava nepamuviri apo pari kunzi ndepe mukuwasha wake. Amai vaRuddie, Mai Ennie Ndoro, vanonzi vakatombouya kuHarare kubva kumusha kwavo kwaChihota vachizoona kurohwa kunonzi kwaitwa mwana wavo. Sekuru vaRuddie, VaLodof Chigwedere, vakatsinhira nyaya yekurohwa kwemuzukuru wavo vachiti vakangoinzwawo nerunyerekupe. “Zvamunotaura zvekuti ndakarohwa hakuna nyaya yakadaro, Pozo handisi kumboonana naye kubva paakabva kujeri, ndakatonzwa nevana vaenda kwatete vavo vachiti daddy vavo vakaenda kuSA,” akadaro Ruddie. Akaenderera mberi achiti nyaya yakabuda svondo rapera yekuti akapihwa pamuviri nemukuwasha yakamunyadzisa zvikuru. “Nyaya yenyu yakandisiya pachena chaipo, chikomba changu kwete mukuwasha wamunotaura, chave kundiramba. Handisisina mari yerendi neyekudya saka ndinoida kwauri iwe (mutori wenhau) neKwayedza nekuti ndimi makakonzeresa. Iwe (mutori wenhau) wobva waita murume wangu,” akadaro Ruddie. Akaenderera mberi achiti hapana chaaimboda kuna Murehwa uyo wakati ane vakadzi vana nevana 15. “Tete vevana vangu ava ndeve chi4 pana Murehwa, ini ndoitawo chihure naye?” akadaro. Akati akamirira kuti akangosununguka chete otevera murume wake, Pozo, kuSA. Zvakadai, vanhu vakataurwa navo vakashora zvikuru mukuwasha naambuya ava vekunzi vanodanana. VaRaphael Chikengezha (46) vekuMhondoro vakati vose vaviri vakanyadzisa. “Ichi chipini chaicho, makare-kare vanhu vakadai vaiuraiwa,” vakadaro. VaNegotiate Dzonya (21) vanogara kudzimba dzeITG kuMsasa, muHarare vakati zvinoshamisa kuti mukuwasha naambuya vadanane ivo vakadzi nevarume vari fararira. Mashoko avo akatsinhirwa naMai Makaoneni Mandizvo (65) vekuBikita, kwashe Budzi avo vakati ambuya nemukuwasha ava vakafumuka. Irene Mandizvo (30) wekuMsasa Park akati kana mhuka chaidzo hadzidaro. “Vaviri ava vakadzikisira zvikuru ukama huri pakati pamukuwasha naambuya patsika dzedu,” akadaro.-Kwayedza
|