| Mujaho weTour deTuli-Mapungubwe wotsva |
|
|
|
| Thursday, 26 July 2012 09:52 |
|
naAbel Ndooka MUJAHO weTour deTuli-Mapungubwe wakaparurwa svondo rapfuura nemunyori mukuru mubazi rinoona nezvenharaunda nekuchengetedzwa kwezviwanikwa, Florence Nhekairo, uyo uchaona shangwiti dzemutambo wecycling dzepasi rose dzichiungana kuTuli mwedzi uri kutevera. Gore rino Zimbabwe ichange ichimiririrwa nevatambi vatatu vanoti Freeman Mhlanga, Patrick Pabwe naPedro Chabuda uye aka kachave kekutanga kuti nyika ikwikwidzewo mumujaho uyu kubva pawakatanga kuitwa mugore ra2009. “Tine mufaro mukuru kuti gore rino kekutanga Zimbabwe ichange ichimiririrwa nevatambi vatatu kanove kekutanga kusiyana nemamwe makore pataishaya vamiririri iwo mujaho uchiitirwa munyika ino. |