naAbigail Halimani CHIKWATA chevasikana veChinhoyi High School
ndicho chakatora mukombe mumakwikwi eNational High Schools Softball Championship 2012 ayo akaitirwa pachikoro ichi svondo rapera uye aka ndekechipiri chichidzivirira mukombe uyu. Chinhoyi High yakakunda chikwata cheSt Josephs nezvibodzwa 11-10 mumafainari mushure mekurakasha Alaska High 5-1 mumasemi-fainari. St Josephs yakapinda mumafainari mushurewo mekukunda Emakhandeni 4-3. Zvichakadaro, kuchikamu chevakomana, chikwata cheManicaland Select ndicho chakakunda apo chakazvambaradza Harare Select 11-1. NASH Softball Head in-Charge, Abisha Mupita, akati makwikwi egore rino akanga akaoma kana zvichienzaniswa neegore rapera. “Nguva ino makwikwi aya akanga akaoma nekuti zvikwata zvakaratidza kuti zvave kuziva zvazvinoita.
Tinofara kuti uwandu hwezvikoro zvakwikwidza hwawedzera kubva pa12 gore rakapera kusvika pa26 gore rino. Zvakare, kekutanga zvikwata zvevakomana zvakwikwidzawo kunyangwe zvazvo zvakanga zvakaumbwa nevatambi vanobva kuzvikoro zvakasiyana-siyana mumapurovhinzi,” akadaro. Mashonaland West Provincial Sofball Head in-Charge, Obadiah Mushamba, akati anoda kupa kutenda kuvabereki nevemasangano eSchool Development Associations nerutsigiro rwavari kupa kumutambo uyu mudunhu mavo. “Tinofara nekuti mukombe uri mudunhu medu. Ndinoda kutenda rutsigiro rwakanyanya kubva kuvabereki nemaSDA izvo zvaita kuti mutambo wesoftball ukurumbire zvekare kuti zvikoro zvizhinji zvemuno zviugone,” akadaro Mushamba. Murairidzi wechikwata cheChinhoyi, Nyamu-nda Chiwanza, akati anofadzwa nekukunda kwavo.
“Takashanda nesimba uye zviri kutifadza kukunda mumakwikwi akaoma kudai. Chishuwo chedu kuramba tichitamba tichikwikwidza neshasha kuitira kuti tirambe tiri pamusoro,” akadaro. Zvichakadaro, St Josephs ndiyo yakaita nhamba 2 ichiteverwa neAlaska, Emakhandeni, Eaglesvale, Tafara 1, Mandwendwe neRoossevelt panhamba 8. Zvimwe zvikoro zvakakwikwidza zvinosanganisira St David Bonda, iyo yakapiwa mubayiro wekuve chikwata chakanyanya kuzvibata mumatambiro (Most Disciplined Team ), Fletcher, Nemakonde, Luveve, Mutare Teachers College High School, Mkoba 3, Rimuka 1, Kanyemba, Kambuzuma, Chegutu, Sakubva 1, Ascot, Matinunura nePfupajena.-Kwayedza
|