|
Thursday, 26 July 2012 09:58 |
|
naAbel Ndooka MURAIRIDZI wechikwata chemaYoung Warriors — Jairos Tapera —
anoti vane gomo guru rekukwira svondo rino apo vachasangana neAngola musi weSvondo kunhandare yeRufaro mumutambo wekurwira kuenda kumaUnder-20 Youth Championships. Mukutaura naTapera svondo rino apo aitirena nevakomana vake, akati mutambo uyu waida kuti vatorwa vamire semvumba sezvavakaita pavakasangana nechikwata cheBotswana icho chavakaradzika 4-0 kunhandare yeBabourfields ndokuzonoita mangange 1-1 nacho kunyika kwacho.
Tapera akati havasi kumira kugadzirira mutambo uyu nekuti vari kuda kukunda Angola kuti vabudirire kuenderera mberi mumakwikwi aya. “Chikwata changu chine basa guru rekubata svondo rino kana tiri kuda kubudirira kuenderera mberi mumakwikwi eAfrican Youth Championships. “Zvakakosha kuti svondo rino tihwine zvine mutsindo kuitira kuti patinozoenda kuAngola kunyangwe tikanoita mangange sezvatakaita neBotswana tinenge tabudirira kuenderera mberi.
“Saka hatisi kumbomira tiri kuda kupinda muhondo takagadzirira zvakasimba nekuti ivo vachatouya kuno vachitsvaga kuhwina saka isu tichange tichitotsikawo madziro,” akadaro Tapera. Akaenderera mberi ndokukurudzira vatsigiri vose venhabvu kuti vauye kuzotsigira maYoung Warriors kuti vakomana ava vaite manyawi munhandare vagohwina. “Kuti tihwine tinodawo vatsigiri saka tiri kukumbirawo kuti vatsigiri vese vauye vakawanda vasimudzire morari yechikwata chedu chigohwina,” akadaro Tapera. Zvakadaro, mutambo weCastle Lager Premiership uyo wanga uchiona Dynamos FC ichitatsurana neCAPS United wakambomiswa nekuti nhandare yavaida kushandisa ichange ichitambirwa neYoung Warriors apo achasangana neAngola.-Kwayedza
|