| ‘Ndakachengeteswa mwana asiri wangu’ |
|
|
|
| Thursday, 26 July 2012 10:01 |
|
MURUME wekuMabvuku, muHarare akazvuviramukadzi wake kudare achida kuripwa kutambisirwa nguva yake uye kugura muchato achiti akachengeteswa mwana asiri wake. “Ndakaroora Tandiwe muna2010 tikachata munaKubvumbi 2011 kuchechi yeJehovha’s Witness. Panguva iyi, Tandiwe aiva atova nepamuviri paBiard Phiri. Ini ndakabhadhariswa mabhiri ekuchipatara pakuzvarwa kwemwana asiri wangu uye kutori nechikwereti. Chisango akaudza dare kuti haana mhosva sezvo vabereki vake naiye Majonga vari ivo vakamumanikidza kuti aroorwe naye nekuti anonamata. ndivo vakandimanikidza kuti ndiroorwe naye. Ndaiva nemukomana wangu ivo vakati toda anonamata saka ngavaripane pachavo, ndingatoripa mari yekuchipatara yoga,” akadaro Chisango.
|