|
Thursday, 26 July 2012 10:11 |
naMuchaneta Chimuka MUMWE mudzimai wekuChitungwiza akaroverwa nyaya yekuita makuhwa
izvo zvakaita kuti nyakumuzvambaradza adhonzerwe kudare uko akatongerwa kunofondoka pasina mubhadharo. Muchuchisi Lavet Muringwa akaudza dare kuti nomusi wa6 Chikunguru munguva dzemasikati, Noah Kuselema akasangana nemumhan’ari – Rose Dick – uyo akange achienda kukereke achibva amubvunza chikonzero chekuti sei akamuitira makuhwa.
Makuhwa aanonzi akaitirwa haana kutaurwa mudare iri. Kuselema akabva atangisa kurova Dick nezvibhakera pamuromo kusvikira apunzikira pasi. Akaenderera mberi nekumukava nebhutsu pambabvu zvakaita kuti akuvare zvakanyanya. Dick akanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa izvo zvakaita kuti Kuselema asungwe uye matsamba ekwachiremba akamuvheneka akabuditswa mudare seumbowo. Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Olivia Mariga akamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu iyo akazosendeka padivi paine chitsidzo chekuti aifanira kunofondoka pasina mubhadharo kwemaawa 210 paChitungwiza Central Hospital.-Kwayedza
|