|
Murume nemukadzi vonodya refovhoro |
|
|
|
|
Thursday, 26 July 2012 10:12 |
naKingtstone Mapupu MURUME wekwaMutoko wekubatsirana nemukadzi wake kubata mumwe mudzimai wemakore 18 okuberekwa chibharo
vose vari vaviri vakatongerwa kudya refovhoro nedare reMurehwa Magistarate Court. Mudzimai uyu akabatwa chibharo murume wake akatarisa achinzi wakange uri mubhadharo wekurara kwakange kwaita murume wake nemukadzi wemurume uyu. Mutongi munyaya iyi, iyo yakapinda mudare nemusi wa15 Chikunguru, aiva Loice Mukunyadze muchuchisi ari Violet Chokuda. Muchuchisi chokuda akaudza dare iri kuti Tichaona Katsande (35) akabata chibharo mudzimai uyu achibatsirwa nemukadzi wake, Nellia Katsande (29). Tichaona akapihwa makore 14 ekugara mujeri Nellia ndokunzi agarewo makore mashanu achidya remahara.
Muchuchisi Chokuda akati vaviri ava gore rakapera, pakati peusiku apo vaiva vakapfeka magemenzi, vakaenda kumba kwemumwe murume uyo anova muporofita uko vakawana arere nemudzimai wake. Tichaona naNellia vakasvika kumba uku vachiti vaida kuti mwana wavo mucheche anamatirwe uyo vakati aikosora. Vaviri ava vaida kubatsirwa nemurume wemukadzi akazobatwa chibharo uyu. Muchuchisi Chokuda akati Tichaona mukati megemenzi rake aiva akaviga mapanga maviri emhando yemabhemba nesando. Pavakavhurirwa gonhi vakakumbira kuti vabatsirwe vari mumba sezvo vakati vaitonhorwa zvikuru. Vapinda mumba, vakabva vasandura nyaya yavo apo Nellia akange ave kuti murume wemukadzi uyu akamborara naye izvo zvaakati zvakange zvave kuzivikanwa naTichaona. Nellia akataura kuti vakanga vauya kuti murume uyu azoripa Tichaona nekuda kwenyaya iyi.
Muchuchisi Chokuda akati panguva iyi, Tichaona akabva aburitsa zvombo zvose zvaaiva nazvo mugemenzi ndokutanga kuvhundutsira murume uyu nemudzimai wake. Nellia akazotaurira mudzimai wemurume uyu kuti akumure mbatya dzose kusanganisa dzemukati kuti arare naTichaona semuripo wezvaakaitwa nemurume wake. Nekutya, mudzimai uyu akakumura mbatya dzose achibva abatwa chibharo naTichaona apo Nellia aibatsirawo akamubata kuti asapfatye. Paibatwa mukadzi uyu chibharo, murume wake aive akayeva. Tichaona nemukadzi wake pavakapedza kupara mhosva iyi vakabva pamba apa ndokuenda zvavo. Murume uyu nemudzimai wake, nekunyara ruzhinji, havana kumbotaura nyaya iyi kusvikira yakazofumurwa nemukoma wake uyo akanga abva kuHarare. Mukoma wemurume uyu ndiye akazoyambira muramu wake kuti vamhan’are nyaya iyi kumapurisa izvo zvakazoita kuti Tichaona nemudzimai wake vasungwe.-Kwayedza
|