|
Peter Moyo otarisira kuburitsa dambarefu |
|
|
|
|
Thursday, 26 July 2012 10:16 |
|
naShein Kanyumwa PETER Moyo, uyo anova mwa-nakomana wemushakabvu, Tongai ‘Dhewa’ Moyo,
ari kutungamirira chikwata cheUtakataka Express anoti pari zvino asamhuka munyaya dzemimhanzi uye ane tariro yekuburitsa dambarefu rake idzva nguva pfupi iri kutevera. Mukutaura naPeter, akati mamwe matambudziko aaisangana nawo pakuimba uye nepakutungamirira chikwata pakutanga dzakange dzave ngano. “Ndichitanga wainge usiri mutunhu uri nyore, ndakasangana nemamwe matambudziko ekuti ndaimbofunga kusendeka gitare parutivi ndichipinda mune mamwe mabhindauko asi hazvina kuzoita saizvozvo nekuda kweshingiso yaibva kuvatsigiri.
“Mamwe ematambudziko aya aibva kune vamwe vanhu vainge vane shungu dzekuda kuputsa chikwata cheUtakataka asi izvi zvakaramba nekuti vamwe vaishanda nababa vangu vakaita semaporomota nevaimbi vakandibatsira zvikuru kuti ndive zvandava nhasi nekuti mukwidza wandakakwira nawo wakaoma,” akadaro Peter. Muimbi uyu akaenderera mberi achiti indasitiri iyi hayaida vanhu vanoteerera makuhwa sezvo zviri zvimwe zvezvinhu zvinodzorera basa kumashure. “Ndinotarisira kuti munguva shoma inotevera dambarefu rangu rinenge rabuda, ndinoziva vanhu vakatarisira kunzwa zvitsva kubva kwandiri asi ndinofanirwa kuvaitira zvakajeka zvinoita kuti kana naivowo vafare vachinzwa dambarefu rangu idzva” akadaro Peter. Mashoo ake muchinda uyu aari kuita ari kupindwa nevanhu vazhinji.-Kwayedza
|