|
neMunyori weKwayedza IMWE yemakambani makuru anotenga donje yeCotton Company of Zimbabwe
(Cottco) inoti icharamba ichisimudzira zvikuru kurimwa kwedonje munyika uye mwaka wadarika yakabatsira varimi vanokwana 135 000. Mushandi anoona nezvekudyidzana neveruzhinji kukambani iyi, Veronica Kadandara uyo anova Communications Manager, akati mwaka uri kutevera vanotarisira kuwedzera huwandu hwevarimi vavachabatsira nezvekurimisa.
“Igaroziva kuti kambani yedu yeCottco inodyidzana nevarimi vedonje zvikuru munyaya dzekubatsirana nezvekurima ivowo vachizotengesa kwatiri, ukama uhwu ndehwekubva kare,” akadaro Kadandara. Cottco iri kubatsira varimi nezvekurimisa zvakaita sembeu yedonje pamwe nefetereza. “Ikurudziro yedu kuti varimi ava vabhadhare mingava yavo panguva yakatarwa iyi, vosiyana nekunzvengesa donje ravo vachiendesawo kune mamwe makambani,” akadaro Kadandara. Akati varimi vanokwanisa kuwana zvekurimisa muchirongwa cheInput Credit Scheme chemwaka wa2012/ 2013.
“Hatidi kuti varimi vedu vazopinda mumatambudziko ekushaya zvekurimisa vave kutadza kuita gadziriro izere, pane zvinonetsa varimi ngavauye titaurirane navo kumahofisi edu akatekeshera nenyika,” akadaro Kadandara. Zvakadaro, Kadandara akati kambani yavo iri kurerutsira varimi vose vanounza donje kwavari nekuvabhadharira mari yekutakurisa donje ravo. “Kumurimi wese ari kuendesa donje kwatiri tiri kumubhadharira mari yekutakurisa inoita US$2 kusvika US$3 pabhero roga-roga raanenge aunza kumadhepoti edu,” akadaro. “Kambani yedu iri kutenga donje rose neUS$0,35 pakg yoga yoga yedonje,” akadaro. Varimi vari kutsutsumwa zvikuru vachiti mutengo wedonje wakatarwa mwaka uno uyu weUS$0,29 kusvika US$0,35 uri pasi zvikuru uye vanoda kuti utangire paUS$0,80 kusvika paUS$1,50 pakg yoga-yoga. -Kwayedza
|