Friday, May 24th
Headlines:
Mupositori akapondwa achinzi imbavha PDF Print E-mail
Thursday, 26 July 2012 10:18

naMuchaneta Chimuka
VARUME vana vekwaSeke avo vaishanda

semapurisa emunharaunda (neighbourhood watch committee) vakamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates’ Court vachitarisana nemhosva yekuponda mumwe mupositori uyo wavaifungira kuti yaive mbavha.
Mutongi wedare Sandra Mapindu, akati vasungwa vanoti Jasper Manhanga (32), Ingidzai Katsande (21), Moses Bhera (19) naFanuel Muusha (44) vadzoke kudare nomusi wa3 Gumiguru apo kutongwa kwenyaya yavo kunenge kuchienderera mberi.

Muchuchisi Joyce Fusire akaudza dare kuti nomusi wa18  Gunyana 2010 pakati peusiku, vasungwa ava vaishanda sevarindi venzvimbo yeUnit J.
Varume ava vanonzi vakaona mushakabvu George Sandirema (30)  achifamba munzvimbo iyi usiku uye aive akange akapfeka magemenzi echipositori machena akatakura kamukwende kake.
Chikwata ichi chinonzi chakabva chamubata ndokuenda naye kumba kwaManhanga uko vakanomusungirira pamudhuri wevheranda ndokutangisa kumurova.
Vanonzi vakaita kuti vanhu vemunharaunda vasare vakamurinda apo vaienda kunotsvaga vamwe vanhu vavaifungira kuti vakange vari pamwe chete naSandirema.
Pavakadzoka, varume ava vanonzi vakamubvisa mbatya dzake vachibva vatangisa kumurova zvakare newaya kumusana, kumutema nezvimedu zvezvidhinha uye kumudira mvura paainge ofenda.

Vamwewo vapfuuri vanonzi vakabatsira mukurova murume uyu kunyange zvazvo akange achikumbira kuti vamuregere uye akange asiri mbavha.
Sandirema anonzi akatoregedza kurohwa pakasvika mumwe  murume anonzi Aaron Manyumba naConstable Chimedza avo vainge vakapfeka mbatya dzavo dzebasa.
Vakabva vatora Sandirema ndokuenda naye kuZengeza Police Station, mushure ndokuzomuendesa kuChitungwiza Central Hospital uko akashaya achangosvika.
Matsamba achiremba akavheneka mutumbi wake anotaridza kuti akafa nekuda kwekusangana kweropa nehuropi zvichikonzerwa nekurohwa kwakanyanya mumusoro.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links