Friday, May 24th
Headlines:
‘Zvemurume uyu ndazvitadza’ PDF Print E-mail
Thursday, 26 July 2012 10:19

naDaphne Machiri

MUMWE mukadzi akadhonzera murumewake kudare achiti anyanya kuita chipfambi sezvo aichinjanisa vakadzi kunge mbatya uye anomushungurudza.
Queen Matsura akazvuvira Jerico Mahlangu kudare reHarare Civil Court achida kuripwa.
“Murume uyu ndakatomubvisa muguruva, kumuendesa kuchikoro ndini. Nhasi aita mari nekuda kwerudo rwangu ave kuita vakadzi vekuchinjanisa kunge nhumbi, zuva nezuva anouya nevakadzi pamberi pevana, anorutsa kutaura,” akadaro Matsura. “Ndinoda kutoti ndigurise muchato, ndini ndiri kutozomupa gupuro nekuti handichakwanisa kugara naye nenyaya yechipfambi. “Anondishungurudza nekuda kwehunhu hwake, vakadzi ivavo vanosvika pakunditaurira mashoko ekunge ndini ndiri kuita chipfambi pamberi pevana,” akadaro Matsaru.

“Chinonyanya kundibaya ndechekuti vana chaivo haachachengeta, mari yose inoperera kupfambi saka zviri nani kuti ndigare ndisina murume.” Mahlangu haana kuwirirana nezvainge zvataurwa naMatsaru achiti ari kutoda kuroora mumwe mukadzi nekuda kwehunhu hwemudzimai wake. “Mukadzi uyu haana kana nyadzi, kana kundiremekedza haaite, anondiona semwana wake.

Bonde chairo tinokikiritsana kuti ndiriwane mumba imomo. Ini ndinonzwa kuda mukadzi nguva yose saka yave mhosva here? Ndiko kusaka ndakatsvaga anozvigona pose pandadira,” akadaro Mahlangu. Mutongi Tendai Rusinahama akapa mutongo wokuti vaviri ava vagare murunyararo uye kana vachida kurambana vozviita murunyararo.-Kwayedza

 

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links