Saturday, May 25th
Headlines:
Mukorokoza oda mendenenzi PDF Print E-mail
Thursday, 26 July 2012 10:20


naHarmony Agere
MUKADZI wekuKadoma uyo anoita basa rekukorokoza

goridhe akazvuzvurudzira aimbove murume wake kudare reHarare Civil Court achida kupihwa mendenenzi achiti murume uyu haasi kuchengeta mwana wake.
Lucia Machado akataurira dare iri kuti aneta nekuchengeta mwana wake asina rubatsiro rwaLuke Mayenda uyo anove baba vemwana uyu.
“Ndava nemakore mana ndichichengeta mwana ndiri ndega, saka ndiri kukumbira dare kuti murume uyu andipewo mari inosvika US$100 yekubatsira pakuchengetwa kwemwana,” akadaro Machado.

Mushure mekubvunzwa namutongi Vongai Muchuchuti kuti anoitei muupenyu, Machado akati: “Ndiri mukorokoza uye pamwedzi ndinogona kuwana mari inoita $450”.
“Ini chandiri kungoda ndechekuti awanewo chaanobatsira pamwana sezvo ari wedu tose, dai zviri zvemari ndinogona kuchengeta mwana wangu ndega.”
Mayenda, uyo akati anotambira US$150 pamwedzi, akati haangarambi kuchengeta mwana wake asi haakwanise kubvisa mari yaidiwa naMachado nekuti yakawanda.
Mutongi Muchuchuti akati Mayenda abhadhare $70 mwedzi woga-woga.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links