|
‘Varimi wiriranai pamari yegoho’ |
|
|
|
|
Thursday, 09 August 2012 09:43 |
neMunyori weKwayedza MAPURISA ekuMashona-land Central ari kuyambira varimi
kuti vawirirane mudzimba dzavo kana vatengesa zvirimwa zvavo kuti pasazova nematambudziko ekurwisana. Nyaya iyi inotevera mumwe murume wekwa-Kasekete, kuMazarabani uyo akapotsa auraya mudzimai wake nekumutema nedemo mushure mekurambira nemari yedonje. Akafanobata chinzvi-mbo chemutauriri wemapurisa kudunhu reMasho-naland Central, Assistant
Inspector Petros Masikati, vanoti nyaya iyi yakaitika masikati emusi wa29 Chikunguru. Samuel Mutukwa (43) wekwasabhuku Nyabonde, anonzi akatanga kunetsana nemudzimai wake, Mirriam Gurira (37), nenyaya yekuti akanga aenda kunotengesa oga mabhero maviri edonje, ndokuzorambira nemari. Mudzimai uyu anonzi akatora mabhero aya murume wake asipo, ndoku-noatengesa panzvimbo yemabhizimisi yeHoya, apo akapihwa US$200 ndokuenda nayo kumba. Mutukwa anonzi akazotevera kumba uku ndokunotaurira mudzimai wake kuti amupe mari yose iyi, izvo mudzimai uyu akaramba kuita. Asst Insp Masikati, vanoti Mutukwa akapinda muimba yavo yekurara ndokubuda akapakatira demo iro akasvikotema naro mudzimai wake kamwe chete pamutsipa, nekamwe kana paruwoko rwekuruboshwe. Mirriam anonzi akabuda ropa rakawanda ndokufenda pakarepo. Akazoendeswa kukiriniki yeHoya uko akasvikodarikidzwa kuchipatara cheSt Alberts.
Mutukwa aona kuti akanga akuvadza mudzimai wake, akabva adutira mushonga wedonje achida kuzviuraya. Nyaya iyi yakamha-n’arwa kumapurisa epa-Hoya izvo zvakazoita kuti Mutukwa asungwe, ndokuzoendeswawo kuchipatara, uko pakanyorwa nyaya ino airapwa akachengetwa nemapurisa. Vose murume nemukadzi vanonzi upenyu hwavo hwaiva pari nani apo vairapwa muchipatara chimwe chetecho. Asst Insp Masikati vakakurudzira varimi vatengese zvirimwa zvavo vari vose. “Kuno kuMashonaland Central tine dambudziko revanhu vanonwa mushonga vachifa nekuda kwemari yezvirimwa, zvikuru munguva ino yekutengeswa kwedonje, nenguvawo yefodya. Sekurima kwavanenge vaita ngavawirirane pane zvekushandisa mari kwete kunzvengana,” vakadaro. -Kwayedza
|