Thursday, Jun 20th
Headlines:
Donje: Makambani ogedageda pamutengo PDF Print E-mail
Thursday, 09 August 2012 09:45

neMunyori weKwayedza
VARIMI vari kugunun’una pamusoro pemakambani anotenga donje ayo avanoti ari kuzvuva makumbo achinonoka kukwidza mutengo wechirimwa ichi zvisinei kuti Hurumende yakati ngaukwire.
Masvondo maviri akadarika, Hurumende yakazivisa kuti yainge yakwidza mitengo yedonje kubva paUS$0-35c uchitangira paUS$0-79c zvichikwira.

Mutevedzeri wechipiri wesangano revarimi reZimbabwe Farmers Union (ZFU), VaBerean Mukwende, vakazivisa varimi kuti hakuna kambani yaifanirwa kutenga donje nemari iri pasi peUS$0-79c, inova yekutanga zvichikwira pakg yoga yoga.
Hurumende yakadzika mutengo wedonje mushure mekunge makambani anotenga chirimwa ichi aramba kukwidza mutengo kubva      paUS35c.
Zvisinei nemutengo mutsva wakatarwa uyu, makambani anotenga donje anonzi ari kuramba  kutevedzera chisungo cheHurumende ichi.
Kunzvimbo dzinosanganisa Gokwe, Muzarabani, Mukumbura, Guruve, Sanyati, Kadoma, Chegutu nedzimwe, varimi vedonje vakati havasati vava kutengerwa donje ravo nemari yakatarwa iyi.
VaAlbert Gweshe (47), murimi wekuMuzarabani, vanoti havana kutengesa donje ravo nekuda kwedambudziko iri.

“Ndakakohwa ndikawana mabhero edonje 15. Asi handigone kunotengesa nekuti makambani ari kutenga donje padhepoti reHoya achiri kungoita US$0-35c pakg. Handina zvandinenge ndaita, ndinouraya mhuri nenzara,” vakadaro VaGweshe.
Vakati dai Hurumende yaona zvaingaite kune makambani ari kuramba kukwidza mutengo wakatarwa uyu.
“Zvinhu zvikaramba zvakadai zvinoreva kuti hatikwanise kudzokera muminda kunorima zvakare mwaka unotevera. Izvozvi tine zvikwereti kumakambani aya ari kuti tiunze donje redu nemari iri pasi,” vakadaro.
Varimi vakataurwa navo vanoti havasi kukwanisa kuwana mari yekubhadhara vana vechikoro, vave kuguma vatengesa mombe kana mbudzi.
Makambani aya anonzi ari kuvhundutsira varimi vavakapa zvikwereti zvekurimisa kuti vacha-pinda mumatanga avo nekuvatorera mombe kana mbudzi vakarega kuendesa donje kusvika panopera masvondo maviri ari kutevera.

“Zvikaramba zvakadai tichaguma taendesa donje iri nemari yavari kuda nekutya kuti tinotorerwa mombe shoma dzatiinadzo kana mbudzi,” vakadaro.
VaMukwende vakayambira varimi vedonje kuti varambe kutengerwa donje nemari iri pasi peUS$0-79c pakg.
Dambudziko riripo nderekuti vaye vakapihwa zvikwereti vave kumanikidzwa sezvo vasisina sarudzo.
Madhepoti akashanyirwa ne-Kwayedza akaonekwa donje richiri shoma sezvo varimi vakachengeta chirimwa ichi kudzimba.
VaKadyanduru Marovahopo vekwaChimushonga, kuMt Darwin, vakati makambani anotenga donje ava kuvabata chibharo nekuda kwekutora kwavakaita zvikwereti kwavari.
Cde Edward Raradza vanovawo murimi kuMuzarabani uye vari nhengo yaParamende yeMuza-rabani South, vakayambira makambani anotenga donje kuti atevedzere chisungo cheHurumende, votenga chirimwa ichi nemutengo wakatarwa. -Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links