|
Sabhuku wechikadzi: Musatyire kure |
|
|
|
|
Thursday, 09 August 2012 09:55 |
|
naMemory Mangombe MBUYA Mary Mutaurwa (84) vekwaCheuka, Ishe Magwende
kwaMurehwa mudzimai anoita basa rine vanhukadzi vashoma munyika — rekutungamirira nekutonga. Mudzimai uyu mumwe wemucherechedzo wakanaka wekuenzanirwa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume. Mubhuku rekwa Murombedzi mavanogara, Mbuya Mutaurwa ndivo “mutamba padziri” sezvo vari ivo sabhuku wemusha uyu. Hakuna mumwe anoti pwe — ndivo vari panyanga. Mbuya Mutaurwa vave nemakore anodarika gumi vari Sabhuku Murombedzi. Vanoti: “Zvisinei kuti mukushanda nevanhu unogona kusangana nezvigozhero zvakawanda, ini ndinoda kutenda Mwari kuti vanhu vari mumusha wandinotungamirira vanondiremekedza nekuteerera zvandinenge ndataura pasina kutarisa kuti ndiri munhukadzi,” vakadaro. Vanoti vamwe vanhu vanotarisira vatungamiriri vechidzimai pasi vachiti havagone kutungamirira uye vanotya. “Zvave kufadza kuti isu semadzimai tave kupihwawo mikana inowaniswawo varume tichikwanisa kuita zvinenge zvichidiwa nemazvo. Zvinoreva kuti kare taidzvanyirirwa apo taitadziswa kana kuparidza muchechi chaimo,” vakadaro Mbuya Mutaurwa.
Vanoti kunyangwe pazvigaro zvepamusoro-soro, vanhukadzi vakaita semutevedzeri wemutungamiri wenyika Mai Joice Mujuru, vari kukwanisa kushanda zvinodadisa. Izvi, sekutaura kwaMbuya Mutaurwa, chiratidzo chekuti masimba ehutungamiriri arimo muvanhukadzi asi mikana ndiyo yavaishaiswa. Mbuya Mutaurwa vakaenderera mberi vachiti: “Zvisinei kuti ndave munhu ari kurarama achirwara, asi basa riri kufambira mberi zvichitevera kuti ndave netsvimbo yangu Solomon Mutaurwa uyo ari kundibatsira kufambisa basa.” Vakati nyaya zhinji dzavanotonga mudare mavo ndedzevanhu vanenge vachirwira miganhu yeminda. “Kurudziro yangu ndinoipa kuvanhukadzi vane mikana yekupinda pazvigaro zvekutungamirira kuti vasatyire kure hazvinetse uye hazvityise asi zvinongoda kuzvipira nekuziva basa rako, pasina huwori zvinhu zvinofamba ,” vakadaro Mbuya Mutaurwa.-Kwayedza
|