| Murray akasimudza goridhe |
|
|
|
| Saturday, 11 August 2012 19:14 |
|
ANDY Murray akasimudza menduru huru yegoridhe muupenyu hwake apo akakunda Roger Federer mufainari yemaOlympics kuWimbledon. Murray akakunda shasha yepasi rose iyi 6-2 6-1 6-4. Mutambi uyu ndiye wekutanga wekuBritain kuhwina menduru yegoridhe kumaOlympics mumutambo uyu kubvira mugore ra1908 apo pakahwinwa naJosiah Ritchie. “Ndiko kekutanga kangu uye ndiko kuhwina kwangu kukuru kwandaita muupenyu hwangu. Murray akazotamba imwe fainari zvekare musi wacho apo akatamba mutambo wemadoubles ana Laura Robson asi vakakundwa naVictoria Azarenka naMax Mirnyi vekuBelarus. Mumutambo uyu vakakundwa zvavo ndokuhwina menduru yesirivha. Murray, apedza kuhwina, akamhanya ndokunopemberera ane musikana wake uyo aiona mutambo akagara kuvatsigiri. |