| Gadziriro dzekickboxing dzave padanho repamusoro |
|
|
|
| Saturday, 11 August 2012 19:14 |
|
neMunyori weKwayedza GADZIRIRO dzemakwikwi eInternational Heroes Cup Kickboxing ayo ari kuzoitwa muno musi wa18 mwedzi uno dzave padanho repamusoro uye nyika dzakakokwa dzakazivisa kuti dziri kuuya. Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Kickboxing Association, iro riri kuronga mutambo uyu, Tony Kamangira akati makwikwi aya achange akasiyana kana achienzaniswa neegore rapera. “Tava padanho repamusoro nekugadzirira mitambo iyi uye tiri kutarisira kuti mutambo wegore rino uchange wakasiyana newegore rakapera apo takautanga. “Tiri kutarisira nyika dzakaita seFinland neEquatorial Guinea mumutambo wezuva rimwe chete uyu,” akadaro. “Tiri kutora mitambo iyi semukana wekugadzirira makwikwi eKickboxing African Championship ayo achaitirwa kuMadagascar mwedzi unouya zvekare,” akaenderera mberi. Kamangira akati mushure memakwikwi aya, chishuwo chavo chinenge chava chekunotora menduru zhinji kuMadagascar. |