Saturday, May 25th
Headlines:
Bulawayo Open yotsva PDF Print E-mail
Saturday, 11 August 2012 19:40

neMunyori weKwayedza
SHASHA dzemutambo wewiricheya tenisi dziri kutarisirwa kusangana ne­musi wa4-8 Gunyana kuzokwikwidza mumitambo yeBulawayo Open kuBulawayo.

Mutambo uyu wange wave kutadza kuenderera mberi nekushaiwa mari asi hofisi inomirira nyika yeUnited Kingdom muno yeBritish Embassy yakapindira ndokukotsvera kuti mak­wikwi aya aen­derere mberi.
Olga Chisango weWheelchair Tennis Zimbabwe akati sangano ravo rave kumhanya-mhanya kuti makwikwi aya ak­wanisike kuenderera mberi uye kuti asaite seeHarare Open ayo avaka­zokanzura nenyaya yekushaiwa mari kubva kuvakotsveri.

Akati sangano ravo rakabatsirwa ne­mari ichazohwiniswa pamakwikwi aya saka vave kutsvagira vatambi vose peku­gara uye nechikafu chekuzodya.

“Takambenge tafunga kuda kukanzura mitambo yeBulawayo Open sezvatakaita Harare Open tichitya kuti tinogona kushaiwa mari asi British Embassy yaka­zotibatsira nemari yekuh­winisa pamak­wikwi aya.

“Chasara chete kutsvagira vatambi vese pekugara nechikafu kuti mitambo iyi ikwanisike kuenderera mberi.
“Takatumira shoko kumapurovhinzi ose kuti kana zvichibvira vatambi vose ngavauye nechikafu chavo vega kuti zvisazonetsa zvekushaya chikafu,” akadaro Chisango.

Chisango akaenderera mberi achiti vamwe vatambi vachauya kumutambo uyu havana chavainacho saka vari ku­vatsvagira mari yezvokudya.
“Vatambi vedu vamwe vanouya kuzok­wikwidza vachibva kumamisha vanenge vasina chavainacho saka kuti tivati vazvitsvagire mari

dzechikafu nepeku­gara vanogona kutadza kuiwana uye mak­wikwi aya anogona kuzotadza kuenderera mberi zvachose saka tave kutovatsvagira zvose tisu kuti mutambo uyu uenderere mberi,” akadaro.

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links