Tuesday, Jun 18th
Headlines:
‘Bvisa mendenenzi uri kujeri’ PDF Print E-mail
Saturday, 11 August 2012 19:55

neMunyori weKwayedza
MURUME wekuzvidza dare kuburikidza nekuregedza kubhadhara mari yemendenenzi akazochema apo akakandwa mujeri zvakaita kuti chikw­ereti chake chikure arimo.

Thomposon Muzanenhamo (33) wepan­hamba 8783 Budiriro 5B ave nechikwereti cheUS$635.
“Ndakange ndiri kujeri kubvira mumwedzi waChikumi nekuda kwekuti ndakange ndisiri kubhadhara mari iyi uye handishandi zvekuti US$170 pamwedzi handiikwanisi. Pandakabva kujeri ndakakwanisa kubhadhara US$45 chete uye marisiti acho ndinawo,” akadaro Muzanenhamo achema mudare.

Zvisinei, mutongi wedare reMbare Magistrates’ Courts, Anold Maburo akati kuenda kwake kujeri hakwaifanira kumu­misa kubvisa mari yemendenenzi.

Muchuchisi Enesio Takambani, akaudza dare kuti Muzanenhamo akapi­hwa mutongo nedare reHarare Magistrates’ Courts kuti abvise mende­nenzi kubvira mumwedzi waKubvumbi zvinova zvaasina kuita.

Mari iyi yainge iri yekuchengeta vana vake vaakaita nemudzimai waaka­paradzana naye.
Muzanenhamo ari kutarisira kupihwa mutongo wake svondo rino.-Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links