Saturday, May 25th
Headlines:
‘Musadyirwe mari nemasabhuku’ PDF Print E-mail
Saturday, 11 August 2012 19:56

naKingstone Mapupu
KANZURU yeManyame iri kunyunyuta nenyaya yevanhu vari kuramba vachinogara zvisina mvumo kumaruwa ekwaSeke.

Mashoko aya akataurwa nasachigaro wekanzuru iyi, Cde Masimba Rubatika vanovawo kanzura wewadhi 2 kwaSeke.
Vanoti dambudziko ravo guru ndere vanhu vari kugariswa munzvimbo iri pedyo neUnit O kwakaperera dhorobha reChitungwiza, avo vavanoti vari kutengeserwa pokugara nemasabhuku eko.

“Tine nzvimbo yakakomberedza mab­hizimisi epaZiko, kwaMurisa, uko masab­huku enzvimbo iyi ari kungopa vanhu vachivaka dzimba. Hamheno zvavo vanhu vari kupa masabhuku aya mari yavo, dzimba idzi tichadzipunza vosara vakashama,” vakadaro Cde Rubatika.

Vanhu vari kutengeserwa nzvimbo ku­misha inoti Chitsvatsva padyo neUnit O, kwaKuwara, Murisa, Kaseke nekumwewo.
Vakati dambudziko iri riri kuwanikwa kumawadhi anoti 1, 2, ne3  uko minda yapera kutengeswa nemasabhuku. Vakawedzera vachiti vari kupa yambiro yavo yekupedzisira kumasabhuku anoita izvi pamwe chete nevanotengeserwa vacho, sezvo vakapihwa simba nedare redzimhosva kuti vapunze dzimba idzi.

“Dare rakatipa kusvika musi wa30 Gumiguru kuti timbomira kupwanya dz­imba idzi kuti tipe vanhu ava nguva ne­masabhuku akavatengesera kuti va­gadzirisane. Kubva ipapo tinenge tava kupwanya, ma‘bulldozer’ arikuuya,” vakadaro.

Vakati vakaumba komiti yezvekurima iyo iri kufamba ichiongorora nzvimbo dziri kutengeswa kumatunhu ose ari pasi pekanzuru yavo.
Munyaya yekutengesa ivhu iyi, vakati kune masabhuku matatu ekumaruwa ekwaSeke vakatosungwa, vakatongwa ndokupihwa zvirango zvavo.

Vanoti vane komiti yezvekurima iri ku­famba mumisha inosanganisa Zinhanga, Nyamadzawo, Zimunhu, Chitate, Musoko nemimwe ichipa yambiro kune vari kutengesa ivhu ava.

Cde Rubatika vakati: “Hapana chizivano panyaya iyi, vanhu vacha­sungwa nenyaya yekutengesa ivhu. Vanhu ngavangwarire vanorasikirwa ne­mari yavo vatenga nzvimbo kumasab­huku aya.”

Vanoti vari kuronga kushanyira Gavhuna weMashonaland East pamwe chete naPA wavo nekuda kwenyaya iyi.

“Veduwe-e musatambire mari dze­vanhu, imiwo munotenga musarasire mari yenyu musango, hapana chenyu apa. Munhu woga woga achawanikwa achimira nemhosva dzake panyaya yevhu iyi, musazovenga vanhu takuyambirai,” vakadaro Cde Rubatika.

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links