| Kugara natsano: ‘Kuita muranda kabisira’ |
|
|
|
| Thursday, 16 August 2012 10:06 |
|
naMemory Mangombe naKingstone Mapupu NEKUOMA uye kusanduka kwezvinhu, mamwemagariro ave kuita vanhu — vangave hama nehama anotoda kushinga. Vangava vanyarikani, mamwe mararamiro acho anotoda vane moyo mirefu.Nokuti kumwe kugara kwacho kunopinza vamwe muhunhapwa nehusungwa sezvo panowanikwa vamwe vanenge vasina kusununguka mukuita zvavanoda, panguva yavanoda. Mumararamiro evanhu vatema kune vamwe vehukama vausingagone kugara navo kwenguva refu zvichifambirana nerukudzo rwamunopanana — uye kunyarana. Semuenzaniso, mukuwasha kunogara pamusha kana pamba patezvara, kana kuti ivo tezvara vonogara pamba pemukuwasha. Zvimwe chetewo naambuya kunogara nemukuwasha kana tsano pamukuwasha wavo nehanzvadzi yavo. Nekudaro, mamwe magariro aya anoita kuti rukudzo rusavapo pakati pevanhu ava. Pamwe kana muri mudhorobha, dzimba dzekugara dzinenge dziri shoma zvekuti kugara nemunyarikani akai zvinotonetsa. Sekudzimba dzemuturikidzanwa dziri kuMbare, zvinofamba sei? Dzimwe dzimba dzacho dzakangokamurwa nemachira zvekuti “hapana chakavanzika”. Chimwezve ndechokuti kana tsano vakanogara nemukuwasha nehanzvadzi saizvozvo, kana murume nemukadzi ava vakaburana zvose unoswera wazviziva. Vanogona kana kutokakaritsana iwe uripo. Nokuti kunyarana panenge pasisina! Zvino iwe ungazvambaradzirwe hanzvadzi yako nemukuwasha uripo? Ugoramba wakangotarisa? Ko ukapindira iye mukuwasha ari iye ari kukuchengeta, ari iye akakutsvagira kabasa kauri kumboshanda, zvinozoita? Hauzofuma wave kutevera miswe yemombe wadzoserwa kumusha? Sabhuku Dollar Tsvuura (60) vekuMuzarabani kwaKaseke, vanoti kugara natsano hakuna hunhu izvo vakati hazvikwaniske. “Apo unenge uine hanzvadzi yake mumba zvinorema sezvo iwe mukuwasha unenge usina kusununguka pamba pako, unoita muranda kabisira,” vakadaro. Vakati zvinonetsa kana muchinge manetsana nemudzimai wako mumba kuti tsano vapindire bopoto racho sezvo vanenge vari munyarikani. “Nerimwe divi inenge iri ngozi yamunenge muchitsvaga mumhuri kugara natsano, kana vakafira mumusha mako iwe mukuwasha unenge wave panguva yakaoma kuviga mutorwa,” vakavedzera. “Zvinogona zvazvo kuitika kuti mugarisane nekuda kwematambudziko, kana mukuwirirana kwenyu, pamwe nditezvara vanenge vakupa tsano kuti ugare navo, apa vanenge vatokuisa panguva yakaoma,” vakaro sabhuku Tsvuura. Vakati mukugarisana kunoita mukadzi nemurume kana vakanetsana tsano varipo, vakada kupindira vanogona kuudzwa zvimwe zvavasina kukodzera kunzwa semunyarikani zvinozoita kuti vagare vasina mufaro pamba apa. “Semuenzaniso vanogona kunzi hanzvadzi yako haigone bonde. Ipapa tsano vangati kudii?” vakavedzera. “Panogona kuita kukandirana mashoko natsano zvinoita kuti musvike pakurwisana zvoita kuti muurayane pagoita ngozi,” vakadaro. Mai Kerita Makosa (59) vekuKapiripiri, kuMt Darwin, vanoti zvakangooma kuti tsano nemukuwasha vagarisane sezvo vari vanyarikani. Vakati kugara natsano pamusha panozoita kakusaremekedzana pakati pavo, uye mukuwasha anenge ari panguva yakaoma apo anenge ongogara achiombera nguva nenguva. “Hongu hatingati hamufanira kutsikirana pamikova asi zvinongoda kugarisana kwenguva pfupi zvinoita kuti ruremekedzo pakati pemhuri rugare ruripo, pasaite kakujairirana.” Mai Venenzia Picture (42) vekuMuzarabani, vanoti vanogona kuchengeta tsano kana achitambura. “Kana zvakanaka pasina dambudziko anofanirwa kunogara ega kuti tigone kuwana kusununguka pamba, sezvo zvose zvatinenge tave kuita tinenge tiine kunyara mukati, tichimupa ruremekedzo,” Vakaenderera mberi vachikurudzira vanatsano kuti vaende kuvavakidzani vavo kuti vayananise kana mukuwasha nemudzimai wake vamutsa bongozozo. VaPedzisai Chapata (42) vekuKamutsenzere, kuMt Darwin zvakare, vanoti kana tsano vakavakanganisirwa havagone kugunun’una sezvo vanenge vachiti “ndiri kuchengetwa”. Vakatiwo kusununguka kwavo kushoma kana vakagara pamba pemukuwasha. VaChapata vakati zvakanakirawo kuti kana pachinge paita dambudziko kumukadzi rinoda hama dzake, dzizoita zvekushevedzwa kuzogadzirisa nyaya iyi. Mukugarisana natsano, vakadaro, panogona kuita dambudziko mukutsiura mhuri yako neizwi gobvu sezvo unenge uchinyara, uye misikanzwa inogona kuwanda kuvanhukadzi sezvo vanenge vachiona kuti vakatsigirwa nemwana waamai vavo. Agrippa Kanongwe (30) wekuGlen Norah, muHarare anoti tsano havafanirwe kugarwa navo zvachose. “Ndinogona kusvika pamba ndichinzwa kuda mukadzi wangu ipapo, pane pandingadhonzero mukadzi wangu mubhedhuru here tsano varipo? Kana kudanana mubhedhuru ivo varere muimba iri padyo, zvinotadzisa vanhu kudanana. Ngavagare kumisha yavo,” akadaro Kanongwe. Mai Pindurai Kasimbe (35) vekuMt Darwin, vakati zvakanaka chose kuti vagare nehanzvadzi yavo pamba nemurume wavo sezvo vakapokana nemurume wavo anotya kuvarova kana kuvatuka. Vanoti nerimwe divi zvinenge zvichisunga varume kuti vasaite zvavanoda kumadzimai avo nekutya kuti hama dzavo dziripo. –Kwayedza
|