|
naKingstone Mapupu MUMWE muporofita ainge achitsvaga vanhu vane mishonga yakaipa akazoigochera pautsi apo akachemwa kwemaawa matatu — ruzhinji rwuchifunga kuti ainge afa — mushure “mekurumwa” nechimhuka nezvidhoma zvaairwisana nazvo mudura rehozi yeimwe mhuri kwaShe Njelele, kuGokwe.
Nyaya inotyisa iyi yakaitika nemusi wa12 Nyamavhuvhu — pameso pevatori venhau veKwayedza — mumusha wasabhuku Matenganyika uko muporofita uyu ainge achichenesa misha yenzvimbo iyi.
Izvi zviri kuitwa zvichitevera nyaya yemamwe madzimai euku ayo akafuma akakatanurwa zvipfeko zvawo zvemukati nezvinhu zvavasingazive. Leonard Tinarwo (35) kana kuti Madzibaba Craby, wechechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku anoti akarumwa nechimwe chipuka apo aiva mudura ndokurohwa nechinhu chaasina kuona zvakanaka achibva angofenda. Izvi zvakaitika vatori venhau vachiona, pamba paMbuya Ncingiwe Matenganyika (78), vanova amai vasabhuku wemusha uyu. Pakaitika izvi, Madzibaba Craby aibatsirana nen’anga Mugochera Mapipi iyo yaari kushanda nayo.
Kwenguva ingangosvika maawa matatu, muporofita uyu ainge akangoti rapata, vanhu vaivepo votofunga kuti afa mushure mekurohwa uku. Ichiona zvainge zvaitika, n’anga Mapipi yakatanga kupfungaidzira Madzibaba Craby mishonga yechivanhu — zvisinei kuti maporofita anoti haaite zvemishonga — ndokuita chinguva achinzi ainge vafa. Zviso zvevose vaive apa zvakava nekusuwa kukuru apo “madzibaba ainge asangana nazvo”. Pakaitika mashura aya, sabhuku wemusha uyu VaSebastian Mpofu Matenganyika (58) vaivepowo. Pakutanga Mbuya Matenganyika vakaudzwa nen’anga Mapipi kuti vaiva nemhuka yaigara mudura mavo iyo yaishandiswa mabasa akaipa. Maporofita aivapo aisanganisira Madzibaba Craby nevamwe, akaenda ndokunopinda mudura iri ndokutanga “kurwisana nezvinhu”. Kwadarika chinguva arimo, Madzibaba Craby akaridza mhere izvo zvakaita kuti n’anga Mapipi imhanyire mudura muya umo inoti yakasvikobaya mhuka iyi nebakatwa ichibva yafa.
Zvisinei, Madzibaba Craby akanga akuvadzwa kare ndokuita seafa — arere mudura imomo achipupa furu kumuromo. Akatozoita zvekutakurwa nevamwe vake nasekuru Mapipi. “Ichokwadi, anogona kunge afa. Asi ndichaona zvandinoita, anomuka, atanga kudirwa mamhepo ndokuzorumwa,” yakadaro n’anga Mapipi. Aka kaiva kechipiri zuva iri sezvo muporofita uyu ainge ambobaiwa nechinhu change nyanga pane mumwe musha. Muporofita uyu akadirwa mvura zvikaramba, ndokuzotakurwa kuendeswa kumusasa wen’anga Mapipi, uko akanopfungaidzirwa mishonga. Akazomuka kwapera maawa anodarika matatu. N’anga iyi inoti mhuka yakauraiwa mudura iri yaishandiswa nevaroyi zvekare yaikura kuenzana nebhiza kana hwava usiku.
“Mhuka iyi inotakura varoyi kuvaendesa kwavanoda kwavanonoitira mabasa avo, inogona kutakura vanhu vana nguva imwe chete. Asi hatisi kuti pamba pakawanikwa mhuka iyi varidzi vepo varoyi kana kuti ndivo varidzi vemhuka iyi, vanogona kunge vakangoisirwa nevamwe,” vakadaro. Mhuka iyi yaiva neruvara rwebere asi ichiita kunge chidembo. Yakaratidzwa vanhu vaivepo mushure mekunge yafa ndokuzopiswa. Madzibaba Craby paakamuka aitadza kufamba akabva apihwa bota remishonga “kuti aburitse hunye hwekurumwa mudumbu mako”. “Ndakamborohwa nechidhoma ndikanoraramira kuchipatara cheGokwe, ibasa zvaro asi munhu unofa uchiedza kubatsira vanhu,” akadaro apo ainge afefemuka.
Zvakadai, nzvimbo iri muchisango yakawanikwa yakaunganidzwa zvipfeko zvemukati zvemadzimai iri kunzi yave kugara ichidiridzwa nemvura isingazivikanwe kuti iri kubvepi. Ishe Njuelele VaMisheck Njelele (48), vakatsinhira nyaya iyi. “Tashushikana nekuda kwemvura iri kudirwa panzvimbo yakawanikwa mabhurugwa iyi. Zvinoreva kuti varoyi ava havana kurega mabasa avo,” vakadaro. Munyaya inoda kufambirana neyehuroyi, Ishe Njelele vanoti kune vana vanodarika gumi vakarohwa nemheni pachikoro cheGomoguru Secondary. Pavakazvitsvaga zvikabuda kuti zvaiva zvaitwa nevanoshereketa. “Zvemuno zvanyanya, pakupera kwezhizha kune vana 11 vakarhwa nemheno vakatakurwa vakanoponera kuchipatara cheGokwe. Pachikoro apa panoda kuchenurwa zhizha risati radzoka zvakare mheni iyi inogona kudzokorora,” vakadaro.
Mune imwewo nyaya, vana vepachikoro cheGwanyika vanonzi vairohwa nezvidhoma apo zvikoro zvakanga zvava kunovharwa. Sachigaro weSDA pachikoro ichi VaTongai Mbisvi, vakatsinhira nyaya yevana vanonzi vanorohwa nezvidhoma. “Vabereki vanoenda kunofamba nevana vavo kana vaita matambudziko pano ndivo vanouya vachitaura kuti zvidhoma zviri kutaura pavana ava. Pane kirasi inofa mwana gore negore, zvinova zvinhu zvinotishamisa,” vakadaro. -Kwayedza
|