Thursday, May 23rd
Headlines:
Kuimba kunoda ‘Maths’ PDF Print E-mail
Thursday, 16 August 2012 10:20

neMunyori weKwayedza
APO vamwe vaimbi, kusanganisira vakasimukira kare, vari kuzhamba nedambudziko repairesi,

 

muimbi wechidiki uyo achiri kusimukira, Tendai “Dotcom” Chipara anoti haasi kubatikana nazvo nekuti akatamba “Maths” iri kumushandira.
Dotcom anoti kubva zvaakapinda mune zvekuimba nekutsikisa dambarefu rake rekutanga remusambo wesungura gore rakapera kusvika azotsikisa rechipiri gore rino, haasati ambosangana nekuoma kweindaisitiri iyi sezvaainzwa nevamwe asati atanga zvekuimba.
“Ndakasimudzirwa kusvika ndapinda mune zvemimhanzi nekuimba kwemushakabvu Leonard ‘Musorowenyoka’ Dembo.
“Zvose zvandainzwa zvekuoma kweindasitiri iyi ndichiri kukura apo ndaiti ndinoda kuzoimba handisati ndasangana nazvo.
“Ini zviri kutondifambira. Gore rino chete ndakaita mashoo mashomana asi takatokwanisa kutenga zvekushandisa zvedu nechikwata changu cheRamangwana Musica,” akadaro.
Dotcom, uyo anova murimi zvakare, anoti kutambirwa zvakanaka kwakitwa dambarefu rake rekutanga rinonzi Marwadzo ndiko kwakavapa shungu dzekutsikisa rimwe nekuchimbidza.
Otaura nezvepairesi, Dotcom akati: “Pairesi inouraya vaimbi asi hazvidi kugarira mawoko, zvinoda ‘Maths’.

“Mushure mekuona pairesi ichidonhedza vaimbi vazhinji, isu takaita tsvakurudzo tikaona kuti pairesi yakazara mumaguta nokudaro takasarudza kushanda nevanhu vari kumaruwa uko tinotengesera vanhu maCD edu asiri epairesi uye zviri kutifambira,” akadaro.
Anotendawo vaimbi vanosanganisira Sugar Sugar uyo akavabatsira kutsikisa vhidhiyo rake rekutanga iro ari kutarisira gore risati rapera.
Mudambarefu rake rechipiri Manyemwe, Dotcom anotaura nekukumbira ruregerero kuna Mwari murwiyo Mundiregerere, ozoimba nezvekushanduka kunoita upenyu murwiyo Upenyu.
Anoenderera mberi achitaura nezvekudzikama munguva ino yeHIV/AIDS mukambo Manyemwe, achizobata mhuri apo anokurudzira nguva yekufara pamwe chete semhuri murwiyo Nguva Yekufara.
Anopa kurudziro kune vechidiki kuti vashingirire muupenyu nerwiyo First Half ozopedzisira nekuchema kuna Mwari kuti vachengetedze vaimbi, vasapedzwa neHIV/AIDS netsaona murwiyo Tapera.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links