Wednesday, Jun 19th
Headlines:
Mukombe ndewedu: Magariro PDF Print E-mail
Thursday, 16 August 2012 10:22

naAbel Ndooka
KAPUTENI weDynamos FC, George Magariro, anoti chikwata chake hachisi kuzosiya mukombe weCastle Lager Premiership uchienda

 

zvichitevera kuita mangange kwavakaita neBlue Rangers.
Magariro akati mwaka weligi pawasvika apa pave kupisa nekuti zvikwata zvese zvave kutamba zvine mutsindo zvichirwira kuhwina mukombe uyo une chikwata cheDeMbare pari zvino.
Akati chikwata chavo chiri kusunga dzisimbe nekuti zvikwata zvizhinji zvichange zviedza kuda kuhwapura mukombe uyu.
Svondo rino chikwata cheDeMbare chiri kusangana necheQuelaton kunhandare yeRufaro mumutambo uyo Magariro akati uchange wakavaomera nekuti zvikwata zviri pasi peligi seQuelaton zvinowanzokundwa mune mimwe mitambo yazvo asi zvichizomuka chibhebhenenga pazvinosangana neDeMbare.
“Panguva yatasvika ino ndiyo yakaoma nekuti zvikwata zvizhinji zvinenge zvasimba uye zvimwe zvinenge zvichiedza kurwisa kuda kuti kunda nekutibvutira mukombe wedu.
“Zvikwata zvese zvemuligi zvinoda kufamba mbiri yekuti zvakakunda DeMbare saka tave kutotamba takangwarira,”  akadaro Magariro.

Zvichitevera kuita kwavakaita mangange svondo rapfuura neBlue Rangers, Magariro akati morari yechikwata chake haina kumbobvira yadzikira nekuti kuita mangange kwavakaita kuri kusimudzira mweya wechikwata chavo kuti vagadzirise pavakakanganisa.
“Svondo rapfuura takaita mangange zvinova zvakatirakidza zvakawanda zvatinofanira kugadzirisa apo takatarisana nemutambo wedu neQeulaton svondo rino.
“Tave kutotamba takangwarira zvikwata zvidiki izvi nekuti ndizvo zviri kuda kuti kanganisa kuchengeta mukombe wedu weligi,” akadaro Magariro.
Mune mimwe mitambo iriko svondo rino, chikwata cheHighlanders ‘Bosso’, iyo isiri kubatika muligi, ichange ichiratidza vakomana veGunners kuti sei vari kutungamira muligi apo vari kusangana pamusha pavo kunhandare yeBabourfields musi weSvondo.
Motor Action, iyo mwaka uno isiri kutamba zvakanaka, iri kunanga kuMaglas kunosangana nevakomana veShabanie Mine.-Kwayedza

 

Polls

ZVINE BASA HERE JAYA KUROORA MUSIKANA ASIRI MHANDARA?
 

Documentary

Social Networking Links