|
DeMbare neKepe-kepe dhuma-dhuma |
|
|
|
|
Thursday, 23 August 2012 08:32 |
|
naAbel Ndooka HAKUDANWI anonzwa svondo rino apo zvikara zviviri zvisionane munhabvu, Dynamos FC neCAPS United, zvichasangana kunhandare
yeNational Sports Stadium mumutambo weCastle Lager Premiership. Chikwata cheDynamos ‘DeMbare’, icho chiri mudenga richinomwe zvichitevera kukwapaidza kwachakaita Quelaton 2-0 svondo rapfuura kunhandare yeRufaro, chiri kupinda mumutambo uyu chichitsvaga kuhwina kuti chikwanise kuenderera mberi mukurwa kuti chichengetedze mukombe wacho weCastle Lager Premiership uyo wachakahwina gore rapfuura.
Murairidzi weDeMbare, Callisto Pasuwa, anoti akaisa tariro yake pane mutambi wake anovazve kaputeni wechikwata ichi – Desmond ‘Gazza’ Maringwa – uyo akadzoka kuchikwata chake svondo rapfuura apo akapinda sasabhu mumutambo wavo neQuelaton mushure mekunge apedza nguva refu asingatambe nhabvu. “Zvinofadza kuti Gazza adzoka nekuti mumwe wevatambi vane ruzivo rwakanyanya rwekutamba nhabvu saka tine tariro huru yekuti achabata basa mune mitambo yedu iri kutevera. “Sekuziva kunoita vazhinji, zvikwata zvizhinji kana zvichitamba nesu zvinenge zvichitsvaga kuhwina saka tiri kuedza nepatinogona kuvaka chikwata chakasimba chinokwikwidza zvakasimba,” akadaro Pasuwa. Nekune rimwe divi, mukutaura nemurairidzi weCAPS United ‘Makepe-kepe’, Taurai Mangwiro akati chikwata chake chiri kutirena zvakasimba chakatarisana nemutambo uyu.
Kubvira Mangwiro zvaakagadzwa pachigaro chinopisa kuMakepe-kepe, haasati ambowina kana mutambo mumwe uye mumutambo wavo wekupedzisira chikwata chake chakakundwa neBlack Mambas 1-0. Mangwiro svondo rino akati chikwata chake chiri kutirena zvakasimba uye chiri kutarisira kuhwina mutambo wacho apo chiri kusangana neDeMbare. “Zvinhu hazvisi kuti fambira zvakanaka, hameno chiri kuitika kuchikwata chedu nekuti tiri kungokundwa hatisi kana kumbohwina hameno kuti sei? “Svondo rino tiri kugadzirira zvakasimba nekuti mutambo uchange wakaoma asi tinotarisira kuhwina mutambo uyu. “Tine tarisiro huru yekuti tichahwina mutambo wedu wekutanga svondo rino uye vatsigiri vedu ngavasaore mwoyo. “DeMbare tinoiradzika chete svondo rino,” akadaro Mangwiro.-Kwayedza
|