Tuesday, May 21st
Headlines:
Akafa adhudhudza muchetura PDF Print E-mail
Thursday, 06 September 2012 08:08

naChipo Katsande
MUMWE mudzimai wekuMayamba kuKaroi kudunhu reMashonaland West anonzi akazviuraya nekunwa muchetura

munyaya inofungidzirwa kuti akange anetsana neshamwarirume yake.
Nyaya iyi yakaitika musi wa28 Nyamavhuvhu apo Maria Kashuwe (54) anonzi akafuma akafa apo aive akarara parutivi pemudiwa wake, Ken Gwatidzo (48).
Vaviri ava vaigara mubhuku rimwe chete iri uye pane fungidziro huru yekuti vakanetsana pamusoro penyaya yerudo rwavo izvo  zvakazoita kuti mudzimai uyu afunge kuzviuraya.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgeazara vakatsinhira nyaya iyi.

Mushakabvu anonzi akasiya anyora tsamba yekuti akange anwa muchetura uye tsamba iyi yakawanikwa iri putivi pemutumbi wake.
Zvakadaro, chikonzero chaicho chakaita kuti azviuraye chakange chisina kuburitswa mutsamba iyi. 
Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuKaroi ndokubva yatanga kuferefetwa.
“Takatambira nyaya iyi uye tichiri kuferefeta zvizere maererano nenyaya iyi, hatisi kufungidzira chakaipa maererano nerufu rwemushakabvu,” vakadaro Inspector Mabgweazara.
“Tinokurudzira veruzhinji kuti vabatsirwe nevakuru vavanogara navo kana vemutemo kana vachinge vatadza kuwirirana murudo pane kutora matanho ekuzviuraya” vakadaro.-Kwayedza

 

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links