|
Thursday, 06 September 2012 08:20 |
|
naAbel Ndooka SHASHA yemusambo weDendera, Tryson Chimbetu, anoti haachada kuramba achiridza pamwe chete naBeverly Sibanda,
achiti matambiro ake ekumanikidza bhodhoro pakati pemakumbo pamashoo ake haana mutsigo kana chiremerera uyewo anonyadzisa kune vanhu vakawanda vanouya kuzotandara navo. Chimbetu akataura mashoko aya svondo rapfuura achangopedza kuridza kuChinhoyi padopiro remitambo iro raikotsverwa neveNational Parks and Wildlife Management. Akati kuridza kwaanoita netsvarakadenga iyi hakusi kuwirirana kana kuti vane pfungwa dzimwe asi kuti vanenge vasanganiswa pamwe chete nemapuromota uyewo hapana zvaanogona kuita sezvo ari muimbi ari kutsvagawo raramo kubva mumagitare.
“Kungoti dzimwe nguva mapuromota ndiwo anenge aronga shoo saka unenge usingazive kuti ucharidza nani uye dzimwe nguva isu sevaimbi tinenge tichitsvagawo mari haungarambe kuridza nemunhu wawanzi uridze naye asi matambiro ake ekugarira bhodhoro anonyadzisa, zvakafumuka uye hazvina chimiro chakanaka. “Isu vamwe tinenge tauya kumashoo aya nevanyarikani vedu vanenge vachititsigira saka kuzoona zvinhu zvakadaro sematambiro aBev tinoshaya pekutarisa tave kunyara, saka ini hangu kungozvipedza handichada kuramba ndichiridza naye,” akadaro Chimbetu. Zvakadaro, muhurukuro naBev akati haana kana basa naTryson nevamwe vaimbi vanoramba kuridza naye nekuti anogona kuita shoo akazvimirira ega pasina ari kumutsigira.
“Handina kana basa naTryson. Ngaagare nekuti handina kana shungu yekuridza naye. “Ini ndinogona kuita mashoo angu ndiri ndega uye ndichitozadza kudarika Tryson nevamwe vaimbi saka vakaramba kuridza neni ini handikendenge. “Svondo rapfuura ndainge ndiri kuBulawayo uko kwandakaita mashoo ayo ainge akazara nevatsigiri vangu vainge vauya kuzondiona uye ndainge ndakatozadza zvikuru kudarika iye Tryson,” akadaro Bev. Asi zvakadaro, kambani yeDelta Beverages nguva pfupi yadarika yakayambira Bev kuti asiyane nekushandisa mabhodhoro ekambani iyi apo anenge achiita mashoo ake ichiti uku kwaive kukanganisa chimiro chayo, izvo zvakaona tsvarakadenga iyi yave kusiya kushandisa mabhodhoro ekambani iyi yave kushandisa ehwahwa hunokora zvakanyanya.-Kwayedza
|