|
Vasingagone basa tinodzinga — Jere |
|
|
|
|
Thursday, 06 September 2012 08:27 |
|
naAbel Ndooka
CHAMANGWIZA weCAPS United, Farai Jere, anoti iye nevamwe vatungamiriri vechikwata ichi havambotye kudzinga varairidzi
kana vasirikuita basa ravo nemazvo. Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Jere akati chikwata chavo chikuru munyika uye vanotsvaga varairidzi vane mukurumbira kuti vatungamirire saka kana vasiri kuhwina havaone chavanoramba vachivachengetera. “Hatina chatinoramba tichichengetera murairidzi iye ari kukundwa uye chikwata chedu chiri kudzikira. “Kana vasiri kuhwinisa chikwata chedu zvinoreva kuti vanenge vari kutadzawo zvatakabvumirana izvo zvinoreva kuti panenge pasina chikonzero chekuti tivachengetere,” akadaro Jere.
Mumakore maviri adarika CAPS United yakatungamirirwa nevarairidzi vanopfuura vashanu avo vamwe vacho vakadzingwa basa zvichitevera kudzikira mumatambiro echikwata ichi. Mwedzi wadarika, chizvarwa chekuIreland, Sean Connor, uyo ange achitungamirira chikwata ichi kubvira pakutanga kwegore rino akamiswa basa rekurairidza Makepekepe apo akatevera matsimba evamwe vakaita saMaxwell Takaendesa Jongwe naLloyd Chitembwe avo vakamiswa basa kuchikwata ichi makore mashoma achangodarika. Moses Chunga, uyo akamborairidza chikwata ichi, akaramwa basa zvichitevera kushoropodzwa kwaaiitwa nevamwe vatsigiri vaiti haana hanya neCAPS United sezvo akarerwa kuDynamos iyo inove makara asionani neMakepekepe. Mushure mekunge Chunga asiya basa, Jongwe akapinda panyanga asi akazodzingwa apo akarairidza mitambo mishanu asina kumbohwina kana kamwe chete. Jere akati kudzingwa kwakaitwa Jongwe kwainge kwakakodzera nekuti akatadzisa chikwata chavo kuhwina ligi yegore rapfuura. “Makazvionawo kupi kuti kochi anouya okundisa chikwata mitambo mishanu yakatevedzana, pakadaro munoda kuti tiite sei?
“Tainge tiri pamusoro peligi zvekuti taigona kuhwina ligi asi Jongwe akatitadzisa,” akadaro Jere. Jongwe paakadzingwa basa, Chitembwe akadzorwa zvekare kuchikwata ichi kuzobatsira kuti chisaburitswe muligi icho chakambenge chatanga ligi zvakanaka. Kutanga kwegore rino Connor akapihwa chiremerera chekurairidza chikwata ichi asi akazomiswa basa mushure mekurairidza mitambo 16 achihwina mishanu, akaita mangange mitambo mina uye nekukundwa minonwe. Connor pamwe naChitembwe, uyo aive mutevedzeri wake naRichard Tswatswa airairidza varindi vemapango epagedhi, vakamiswa basa pamwe chete zvichitevera kutamba kwaisafadza kwechikwata ichi. Mushure mekunge Connor nevamwe vake vamiswa basa, aimbove murairidzi weMonomotapa, Taurai Mangwiro akagadzwa pachigaro chinopisa ichi uye mumitambo mishanu akwanisa kuita mangange kamwe achikundwa mimwe yose. Iko zvino bhora rasarira mumawoko aMangwiro kuti abatsire Makepekepe kuti irambe iri muligi pamwe nekurwira mukome weligi.-Kwayedza
|