neMunyori weKwayedza CHIRONGWA chekudyarwa kwemiti kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika chosimudzirwa zvichitevera mubatanidzwa wekambani
yeNyaradzo Funeral Services nerimwe sangano rakazvimirira wekuvandudza masango. Friends of Environment isangano rakaumbwa kuburikidza naVaPhillip Maravanyika, avo vanove chief executive officer wekambani iyi, ndokubatana mukudyara miti. Pasi pemubatanidzwa uyu, zvinotarisirwa kuti miti inokwana 500 miriyoni inge yadyarwa panosvika gore ra2025. Mushandi anoona nezvekutengesa kukambani yeNyaradzo, Lilian Chigumadzi uyo anova marketing assistant, akati vane mapindu avari kubatsira kunzvimbo dzakasiyana uko vanochera zvibhorani nekupa varimi nhondo dzekudyara miti iyi. “Bindu roga-roga ratinochera chibhorani tinoendesa nhondo dzemiti inokwana 30 000 kusvika 100 000, tine mapindu akadai munyika anokwana 1 000. Tinoshanda zvikuru muzvikoro, mumachechi, mumakireshi, pamisha yemadzimambo, nedzimwe nzvimbo dzakasiyana,” akadaro Chigumadzi.
Miti iyi inopihwa varimi pachena pamwe chete nemishonga yacho yekuuraya tumbuyu twakaita semuchenje nezvimwe. Miti inopihwa kuvarimi iyi yakasiyana-siyana iyo inosanganisira yemichero, mipuranga nemimwe yemuno neyekunze. Pose panoiswa mapindu aya panotsvagwa vanhu vanochengeta kuti miti iyi isabiwe. “Isu takazvimirira seNyaradzo neFriends of Environment tine masango emiti yatakadyara kunzvimbo dzinoti Battle Fields kuKwekwe, kumapurazi mazhinji ehurumende, kwaMurehwa, Mutare, muzvikoro, nedzimwe nzvimbo dzakasiyana,” akadaro Chigumadzi. Kune vanoda kuziva zvakawanda nekuda kwekudyarwa kwemiti iyi, Chigumadzi akati vanokwanisa kuenda kumahofisi eNyaradzo ayo akatekeshera nenyika yose uko vanopihwa ruzivo ruzere pamusoro pechirongwa ichi. Zvakadai, Nyaradzo Funeral Services inopa muti mumwe chete kumhuri yoga-yoga inenge yafirwa ndokunge kana ichibatsirwa nekambani iyi pakuviga mushakabvu.-Kwayedza
|