|
Dzivirirai moto wesango: EMA |
|
|
|
|
Thursday, 06 September 2012 08:30 |
neMunyori weKwayedza DAMBUDZIKO remoto wesango riri kuramba richikura munguva ino
yechirimo izvo zviri kukonzera kuparara kwemasango uyewo nekurasikirwa kweupenyu hwevanhu nezvipfuyo. VaSteady Kangata, avo vanove mukushi wemashoko kukambani yeEnvironment Management Agency, vakati nekupisa kwave kuita kunze munguva ino kubvira kwemoto mumasango akasiyana kuri kuramba kuchikwira zuva nezuva. Dambudziko iri rinonzi riri kubata matunhu ose enyika kusanganisira kunzvimbo dzine masango makuru kwakaita sekuHurungwe, Gokwe, Kwekwe neGweru. Svondo rapera, mumwe mudzimai wekuHurungwe, Christine Homera (20), akasungwa nemapurisa nemhosva yaari kupomerwa yekukonzera rufu rwemwana wake uyo akatsva nemoto apo aipisa huswa muminda yake.
VaKangata vanoti huwandu hwevanhu vari kutsva nekuda kwemoto uyu huri kuramba huchikwira munyika yose. “Mwaka wekutsva kwesora nemasango wakatanga nemusi wa31 Chikunguru uye unozopera nemusi wa31 Gumiguru, apo zhizha rinenge rave kuzotanga,” vakadaro. Zvakadaro, kune nyaya dzinodarika 800 dzakamhan’arwa kubazi reEMA dzemasango akapiswa uye kunotova nevamwe vanhu vakasungwa nemapurisa vaiva vakamirira kupinda kumatare edzimhosva. Munyika muno munhu akawanikwa aine mhosva yekupisa masango anogona kupihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitanhatu kana kudarika zvichienderana nemhosva yacho. Mugore ra2010, vanhu vanokwana makumi maviri nemashanu vanonzi vakafa nekuda kwemoto wesango uyewo gore rakapera mahekita emasango akatsva aikwana 714 000. Zvakadai, vashandi veEMA vari kufamba kumatunhu ose enyika vachidzidzisa nezvekuchengetedzwa kwemasango nekugadzirwa kwemafire guard. Vamwewo vanokonzera moto wesango vanosanganisira vavhimi nevanoputa fodya vachikanda zvigusvani pose-pose. -Kwayedza
|