|
SVONDO rapfura takatarisa mhando ina pane gumi nenhanhatu dziri pasi pemutemo weDomestic Violence Act. Vhiki rino tinoda kuongorora dzimwe mhando dzekushungurudzwa kunoitika mudzimba idzo dzinoti:
(i) kutyisidzira (ii) kushungurudza (iii) stalking (kuteera-teera munhu zvaasingadi) (iv) kuparadza mudziyo kana kuti midziyo yemumwe (v) kupinda panogara munhu nechisimba usina mvumo (vi) kushaisa mumwe mukana kana kumurambidza kushandisa midziyo neimba
Ngatitangei nenyaya yekutysidzira. Pamutemo, hazvibvumirwe kungopota uchityisidzira munhu kana kuti vanhu vatinogara nekuvakidzana navo. Semuenzaniso, unonzwa munhu achivhundutsira mumwe kuti ndokudzinga pano kana kuti anotaura achinongedzera vamwe zvinovaita kuti vatye, vatadzewo kutaura zvinenge zvichivashusha mumoyo mavo.
Pane kutyisidzira kuripo kwekuda kuisa mwana mugwara sekuti ukafoira upenyu hunokuomera. Kutyisidzira kwakadaro haisi mhosva pamutemo asi kuraira.
Imwe mhando yemhirizhonga ndiyo yekushungurudza kana kuti “harassment” pachirungu. Iyi imhando yemhirizhonga mudzimba. Semuyenzaniso, munhu haubvumirwe kungoramba uchifonera-fonera mumwe parunhere yake uchimutuka kana kungomufonera zvisina mvumo yake.
Mazuva ano kumabasa vakawanda vedu tinoshandisa makombiyuta. Haubvumirwe pamutemo kutumira tsamba nekombiyuta (email) dzinenge dzisingadiwe nemunhu iyeye.
Dzimweni dzenguva unenge uchifunga kuti mumwe ari kuzvida asi iye anenge asingadi. Imhando yemhirizhonga isingatenderwi zvachose nemutemo.
Imwe mhandozve ndiyo inonetsa vakawanda kuti vanzwisise, inonzi “stalking” pachirungu kana kuti kuteera-teera munhu zvaasingadi.
Mhando iyi inonetsa vakawanda kuti vanzwisise nekuti pachivanhu chedu tinoti kana murume achipfimba mukadzi anokwanisa kupota achimuteera-teera, nyangwe mukadzi wacho asingadi nekuti tinovimba kuti mukadzi ane hunhu haakurumidze abvuma shoko rinenge rasvitswa nemurume kunyangwe achida.
Zvino pasi pemutemo, munhu haufanirwe kungoteera-teera munhu nyangwe ari mukadzi wako kana kuti murume wako. Imwe mhando ndiyo yekuparadza mudziyo kana kuti midziyo yemumwe. Izvi zvinosungisa. Kukanda runhare rwemumwe wako pasi, kuputsa matelevision nekuti watsamwa imhosva.
Imwezve mhando ndiyo yekupinda panogara mumwe usina mvumo nechisimba. Izvi zvinowanzoitika kana vanhu vaimbenge vari muwanano vasisiri pamwe chete. Dzimweni dzenguva munhu anenge atora yatinoti “protection order” inova tsamba inopihwa nedare.
Dzimwe tsamba dzinenge dzichidzivisa anenge achikonzera mhirizhonga kuti asauya pamba pemumwe. Kuenda pamba nechisimba kutyora mutemo.
Vaverengi vane zvavanoda kuziva pamusoro pemutemo makasununguka kufona pa: 0714 200 007 kana kutumira email pa: kwayedza@zimpapers.co.zw |