Saturday, May 25th
Headlines:
feed-image RSS
NHAU DZEVARIMI
‘Mutengo wedonje haufadze’ PDF Print E-mail
Thursday, 23 May 2013 07:08

naKingstone Mapupu
MASANGANO anomirira varimi vedonje akawirirana pamutengo wedonje mwaka uno uyo vazhinji vari kuchema-chema nawo vachiti uri pasi zvikuru pane mari yavaitarisira.
Sangano reCotton Ginners Association of Zimbabwe nemamwe anomirira varimi ava akabvumirana pamutengo wedonje uyo uri kutangira paUS$0,35c pakg pagrade D, kubva

Read more...
 
Tsoko nemakudo zvarura PDF Print E-mail
Thursday, 23 May 2013 07:04

naKingstone Mapupu
VARIMI vane mapindu ari mumahombekombe erwizi Save, kuZvishavane vari kuchema-chema nekudyirwa kwavari kuitwa zvirimwa zvavo nemakudo netsoko idzo dzarura zvekuti vazhinji vavo vanogona kusara vari munzara.

Read more...
 
Misika iri kunetsa varimi kuMberengwa PDF Print E-mail
Thursday, 16 May 2013 00:00

VARIMI veminda yekudiridzira kwaShe Mapiravana, kuMberengwa vari kushaya kwekutengesera zvirimwa zvavo nekuda kwekushomeka kwemisika pamwe nezvekufambisa zvichitevera kuipa kwemigwagwa yeko izvo zvokonzera kuti varasikirwe sezvo rimwe goho ravo riri kusvika pakuwora.

Read more...
 
Madhibhi anetsa kuZvishavane PDF Print E-mail
Thursday, 16 May 2013 00:00

VARIMI vekwaMapanzure nekuWedza, kudunhu reZvishavane vari kuchema-chema nekusashanda kwemadhibhi eko izvo zvavave kutyira kuti mombe dzavo dzingangopera kufa nezvirwere.

Read more...
 
Fodya yaunza US$388m munyika PDF Print E-mail
Thursday, 16 May 2013 00:00

FODYA yatengeswa kunze kwenyika mwaka uno kusvika pari zvino yave 26 936 509 kgs ndokuunza mari munyika inokwana US$100 771 688, inova yakawanda kana zvichienzaniswa nemwaka wapera.

Read more...
 
Bhangi rotsigira madzimai mukurima PDF Print E-mail
Thursday, 09 May 2013 11:21

naMuchaneta Chimuka
MADZIMAI ari mumatunhu akasiyana enyika ayo anove nhengo dzesangano reZimbabwe Indigenous Women Farmers Association Trust (ZIWFAT) otsigirwa nemichina yemadiridziro (drip irrigation) nebanga reFirst Bank izvo zvichaona vazhinji vachibudirira munyaya dzekurima.

Read more...
 
Vekumatunhu asinganaye mvura zhinji vokurudzirwa kurima mapfunde PDF Print E-mail
Thursday, 09 May 2013 11:20

neMunyori weKwayedza
VARIMI vekumatunhu anonaya mvura shoma akaita sekuZvishavane vokurudzirwa kurima mbeu dzinoshingirira muzuva senzira yekudzinga nzara iyo inogara yakapfunya chisero kumatunhu akadai.

Read more...
 
Varimi vochema nekubirwa mabhero PDF Print E-mail
Thursday, 09 May 2013 11:18

neMunyori weKwayedza
VARIMI vane chitsama vari kuchema pamusoro pekubirwa kwavanoti vari kuitwa mabhero efodya kumisika inotengeswa chirimwa ichi yakasiyana-siyana muguta reHarare.
Kwayedza payakashanyira muzinda wekutengesera fodya wePremier Tobacco Auction Floors yakanzwa zvinyunyuto zvevarimi maringe nenyaya dzekuti vari kubirwa mabhero avo.

Read more...
 
‘Wedzerai mahekita esoya bhinzi’ PDF Print E-mail
Friday, 03 May 2013 00:00

neMunyori weKwayedza
SANGANO rinomirira varimi vesoya bhinzi rokurudzira  varimi kuti vawedzere mahekita avanorima chirimwa ichi kakapetwa kaviri sezvo chiri kushomeka munyika.
Mashoko aya akataurwa nasachigaro wesangano reZimbabwe Soya Beans Producers Association, Professor Sheunesu Mupepereki, zvichitevera kudzikira kwakaita kurimwa

Read more...
 
Shiri dzonetsa kuMukumbura PDF Print E-mail
Friday, 03 May 2013 00:00

neMunyori weKwayedza
VARIMI vekudunhu rashe Chiswiti kuMukumbura, Mt Darwin vakatarisana nedambudziko guru reshiri dzehudyi kana kuti chimokoto dzapedza kuparadza zvirimwa zvakaita semhunga, mapfunde nechibage zvingangowedzera nzara yagara iriko kare.

Read more...
 
Mwaka wegorosi remuchando wakatanga PDF Print E-mail
Friday, 03 May 2013 00:00

naKingstone Mapupu
MWAKA wemuchando wekurimwa kwegorosi wa2013/2014 wakatotanga kare apo paine kutyirwa kukuru  kuti basa iri richatadza kufamba zvakanaka nekuda kwekuti varimi havana kuwana rubatsiro rwakakwana rwezvekurimisa.

Read more...
 
EMA yopa makorokoza mbesa diki PDF Print E-mail
Friday, 19 April 2013 08:37

naSimbarashe Chisenwa
SANGANO rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa reEnvironmental Management Agency rakaparura chirongwa cheSmall Grain Project chekupa mbesa diki kuvarimi vekumaruwa nedonzvo rekudzivirira kuparadzwa kwezviwanikwa.

Read more...
 
  • «
  •  Start 
  •  Prev 
  •  1 
  •  2 
  •  3 
  •  4 
  •  5 
  •  6 
  •  7 
  •  8 
  •  9 
  •  10 
  •  Next 
  •  End 
  • »


Page 1 of 158

Polls

Dynamos inopona here mumakwikwi emu Africa Champions League sezvo vakazvambaradzwa muchikamu chapfura?
 

Documentary

Social Networking Links