‘Inhema dzako, hatina kurambana’

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
‘Inhema dzako, hatina kurambana’

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MUDZIMAI nemurume vakakakavadzana mudare pamusoro penyaya yekuti vachiri kugara vose here kana kuti kwete, apo mumwe aiti vakarambana asi nerimwewo divi mumwe achiti vachiri vose.

Silvia Mhanda akaendesa Munyaradzi Makoni kuHarare Civil Court achiti haasi kuchengeta mwana saka ari kuda $100 pamwedzi.

“Ndauya kuno nekuti murume wangu haasi kuchengeta mwana. Akandipawo $100 ndinobatsirika,” anodaro Mhanda.

Anoenderera mberi achiti iye anowana $15 pamwedzi nekuti anoita zvekutengesa asi Makoni ndigadhi anohora $250 pa- mwedzi.

“Mwana kuti ndichengete ndega ndaida asi mari haisi kundikwanira,”anodaro.

Makoni anoti anokwanisa kubvisa $30 pamwedzi.

“Ndinoda kumupa $30 yekubatsiridza pakuchengeta mwana nekuti ndinotambira $214 kwete yaari kutaura iyo,” anodaro.

Anoti imwe yasara ndeyakewo yekubhadhara imba nekutenga zvekudya zvake.

“Handichagara naye mudzimai uyu, takasiyana muna Kubvumbi, ndava kugara kuKariba iye ari kugara nasisi vake. Saka ndinodawo mari yekuendesa kubasa, kutenga zvekudya nekubhadhara imba,” anodaro.

Mhanda achibvunzwa nedare kuti angaide here $30 yataurwa, anoramba achiti Makoni anonyepa, haasi kugara oga asi vanogara vose.

“Ari kunyepa kuti haagare neni, tinogara tose. Hatina kurambana chingoripo ndechekuti ari kugara kubasa ndosaka asiri kuuya kumba asi tichiri takaroorana,”anodaro Makoni.

Mutongi Nyasha Marufu akati Makoni abhadhare $60 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links