‘Inini kuchengeta mwana, waani?’

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
‘Inini kuchengeta  mwana, waani?’

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
MURUME wekuendeswa kudare neaimbove mukadzi wake nenyaya yemendenenzi akatsika madziro achiti haakwanise kuchengeta mwana waanofungidzira kuti haasi wake, kunyangwe zvazvo mari yekumuriritira ainawo.

Talent Mandigo akamhan’arira aimbove murume wake, Emmanuel Muzuva, kuHarare Civil Court achida mari yekuchengeta mwana wavakaita vose.

“Ndauya kuno kudare kuti murume uyu andibatsirewo kuchengeta mwana watakaita tose,” anodaro Mandigo.

Akati anoda $140 nekuti iye basa raanoita harimupe mari yakawanda.

“Kuti ndichengete mwana uyu zvakanaka ndinoda $140 nekuti ini kuwana mari kwangu panenge patoita munhu anenge achida kubatsirwa basa, zvino akashaikwa handina kwandinoiwana,” anodaro Mandigo.

Muzuva anoti haakwanise kubhadhara mendenenzi yemwana waari kufungidzira kuti haasi wake.

“Changamire, ini mwana wangu handitadze kuchengeta asi uyu handifunge kuti ndewangu. Ndiko kusaka ndisiri kupa amai ava mari yekuchengeta mwana,” anodaro Muzuva.

Anoenderera mberi achiti aigona kupa Mandigo $20 yekuti abatsirikanewo.

“Ndingatongobatsirawo amai ava nemwana wavo ne$20 zvichitongobvawo mutsitsi dzangu.”

Muzuva akaudza dare kuti anoda kuenda kunoitwa ongororo yeDNA kuti aone kuti mwana uyu ndewake here kana kuti kwete. Mandigo haana kupikisana nekuti vanoongororwa kuti zvionekwe kuti mwana uyu ndewani.

“Handina chandinovanza ini, kana achida kuita izvozvo ngaaite. Chandinoziva ndechekuti mwana ndewake,” anodaro Mandigo.

Mutongi Manassa Musiiwa akati Muzuva afanobhadhara $30 pamwedzi achimirira zvichabuda muongororo yeDNA.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>