Uncategorized

Inini ndini ndisisiri bhoo

09 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
NHASI ndapotsa ndatsika musikana wechidiki anga achidarika mugwagwa achitaura pafoni. Ndabva ndafunga musikana akamboshanda kumba kwedu aibika ari paWhatsApp. Foni idzi dzave zvikirimbani, isu tiri makonzo, nekuti dziri kubvisa munhu muvanhu. Foni dzave kupfekedza vanhu vari kudziya moto sutu dzemapepa.

Pamwe inini ndini ndisisiri bhoo, nekuti imimi vamwe mese muri bhoo kana muchikwazisana nekupindurana muchiti bhoo. Asika inini chiri kubhurokesa mweya wangu ndechekuti paye pamunoti, “Bhoo; Iri bhoo; Ndiri bhoo; Zviri bhoo; Tiri bhoo; Kuri bhoo; Vari bhoo,” muri kubonderedza zvinhu zvakawanda.

Ndinozviziva kuti vazhinji vedu nguva chaiyo hatisisina, nyangwe yekuti vanhu vadye vakagara pasi, pasina ari kutexta paWhatsApp. Ichokwadi, chonono chinengwe bere rakadya richifamba, asika, ndidye ndidye akadya zvimbishi, zvakarewo kumhanya hakusi kusvika.

Kwandiri zvinhu zvizhinji hazvisisiri bhoo. Chainzi munhu kare, nhasi hachisisiri bhoo. Kare munhu aive munhu ane hunhu. Munhu anofunga vamwe, asingangozvifunga iye ega. Munhu aigarisana nevamwe kwete kugarisana nefoni yake akaisa maHeadphones munzeve. Vanhu vave mashizha akadonha kubva pamuti ari kupeperetswa nemhepo.

Tapinda muchigayo chehupenyu hunomhanya, chigayo chinomanza. Hupenyu hwedu hwave hwemagetsi nekuchaja mafoni, hupenyu hwekutsvaga mafaro anopepereka kunge mafuro esipo.

Kufa kuri kutiuraya tiri muzvinhu zvinosekenyedza mwoyo yedu. Asi kana tawana zvinhu zvinotifadza, kana tawana mari, doro, mabhebhi, mota, basa, hembe, shamwari, zvinzvimbo, mafoni anotiudza zvese zvatinoda, sei tichiramba tiri mapepa akapera maputi ari kupeperetswa nemhepo mumugero wetsvina yehupenyu?

Vazhinji vedu tave nemitswe, zvekuti chasara kuwira pasi. Tikavhiyiwa mwoyo yedu tichawanikwa ine mibhedha yekuzvida, magumbeze ekusatsiurika, nemacheya ekuti vanhu vatiti takapenga, hatiite.

Asi udzwa naMwari kuti wakapenga, kwete nemunhu. Vazhinji vedu tikavhiyiwa mukati medu muchange muine tebhuru dzekunyengera, masofa ekutsvaga zvinofadza nyama, uye makawaridzwa kapeti dzeruvengo, kunyengera, negodo ramunoti jerasi.

Handisati ndamboona vanhu vanotsvaga kuonekwa sevanhu venguva ino yekuzvitora maSelfie. Handisati ndamboona vanhu vanotsvaga kuzadza homwe dzavo sevanhu venguva ino. Ndakanyara taenda pamabiko ndikaona varume vakuru, vakapfeka mabhachi nemagirazi vachiba zviwitsi vachiisa muhomwe. Ndakaona vanhu vane mahofisi makuru vachironga zvekubira vana zvekudya. Munhu kubvundira bhodhoro re330 ml yeKokokora. Mwoyo yedu inobanhira tenzi kumadziro chokwadi.

Asika shoko raMwari rinoti hushe hwedenga hausi zvekudya kana zvekunwa, asi kururama nerugare uye nemufaro muMweya Mutsvene. Iko kuda kudya nekunwa uku kunotiparira, kunotiita varanda vemukanwa.

Asi tikaverenga shoko raMwari tinonzwa Jesu pachake achitiyambira kuti, “Munhu haararame nechingwa choga, asi neshoko rinobva mumuromo maMwari.”

Isu tave nemamwe mararamiro atave kuita mumachechi epamafoni. Mararamiro aya ndeekuti tiri kudya zvingwa zvemhando dzakasiyana-siyana zvekuti tikadya shoko raMwari rave kutirutsisa.

Tinoita sekuti takapenga, hatiite, asi kuna Mwari tiri ipapo patakanga tiri kubva pakutanga. Hatisati tabuda muGroup reruvengo, makaro, kuonererwa, negodo. Chokwadi kwatabva ndiko kure. Takabva kunhembe, kuvhima, mapfumo, miseve nekufamba netsoka mukati memasango matema, asi hatisati tave vanhu vatsva. Tave nemadhigirii ekusatya, uye ndinotya kuti Mwari vakadzoka nhasi vangafarire imbwa, kiti, mbudzi nemadhongi nekuti hazvina kumbobvira zvabva pahunhu hwazvo.

Chenjerera mweya wekuita zvinhu nekuti ndizvo zviri kuitwa nevamwe, nekuti vamwe vaunofunga kuti muri mese vakatumwa kuzokurasisa!

Share This:

Sponsored Links