Inishuwarenzi yakakosha pakurima fodya

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
Inishuwarenzi yakakosha pakurima fodya

Kwayedza

Buhle Nkomo —
MVURA inonaya dzimwe nguva inenge iine chivhuramabwe nemupande wemheni uye zvose izvi zvinoshungurudza murimi sezvo zvichigona kuparadza zvirimwa zvake.

Chivhuramabwe chinogona kukanganisa mashizha efodya apowo mheni inogona kuparadza mahekita akawanda echirimwa ichi.

Zvisinei, chinofadza ndechekuti murimi anokwanisa kutora inishuwarenzi yekuti kana zvirimwa zvake zvikaparadzwa anobhadharwa nemakambani ari mubhizimusi iri akanyoreswa zviri pamutemo.

Apo varimi vari munzvimbo dzinowanzoita chivhuramabwe vasingakwanisi kutora inishuwarenzi, vari kune mamwe matunhu vanogona kutora inishuwarenzi iyi kuitira kuti vazobhadharwa kana madhirihora avo atsva nemoto wavanenge vasingatarisiri kana kuti fodya yavo yabiwa apo vanenge vachiitakura kuenda nayo kumisika kunotengesa.

Kusiyana nedzimwe mhando dzeinishuwarenzi apo unobhadhara mari yekutanga wombomira kwechinguva kusvikira wazotanga kubatsirwa, inishuwarenzi ine chekuita nezvekurima inobhadharwa bedzi pakupera kwemwaka apo murimi anenge atengesa zvirimwa zvake.

Iyi ibhonasi chaiyo nekuti murimi anokwanisa kubatsirwa nemakambani einishuwarenzi achangopedza kuzadzikisa fomu restop-order uye apihwa gwaro nekambani yeinishuwarenzi rinotaridza kuti anofanira kunge achizobatsirwa.

Mari iyi inobviswa iri chikamu apo murimi anenge atengesa zvirimwa zvake.

Murimi anokwanisa kutora zvakare inishuwarenzi yekuti azobatsirwa kana awana goho rinenge rakaderera pane raange achitarisira nekuda kwechivhuramabwe, kubirwa kana kupisirwa fodya yake nemoto.

Pakutora inishuwarenzi yefodya, murimi anofanira kutarisa hudzamu hwekurasikirwa kwaanogona kuitwa nebhizimisi uye kuti anozokwanisa kusimukira zvakare here mushure menjodzi inenge yamuwira.

Kana murimi ave kuda kusarudza kambani yeinishuwarenzi, anofanira kuongorora zvakawanda izvo zvinosanganisira nhoroondo yayo uye nekubatsira kwayakamboita vamwe varimi kwete kungoita chindoendawo sezvo kune mamwe makambani anogona kuvatsotsa mari yavo yedikita.

Varimi vanokurudzirwa zvakare kuti vatsvagewo ruzivo kubva kukambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) pamusoro pechirongwa chekutora inishuwarenzi ichi.

Zvakakosha zvakare kuti murimi anzwisise zvizere mamiriro anenge akaita chirongwa cheinishuwarenzi chaanenge achida kupinda kuzoitira kuti asagunun’une mune remangwana.

Zvimwe zvezvirongwa zveinishuwarenzi zvinenge zvichida kuti murimi azivise kambani yeinishuwarenzi yaanenge akajoina kuti akasangana nenjodzi yechivhuramabwe mukati memazuva matatu zvaitika kwete kwapera svondo.

Varimi vanofanirwa kusarudza mhando yeinishuwarenzi yavanokwanisa kubhadhara kuitira kuti zvisazovadhurire nekudzorera basa ravo kumashure.

Mushure mekunge vatora inishuwarenzi yefodya, varimi vanokurudzirwawo kuronga remangwana reindasitiri yefodya nekubatana nevamwe vose munyika nekudyara miti yakaita semipuranga.

Fodya haifaniri zvachose kupiswa kuchishandiswa huni kana miti yakagara iri munyika ino (indigenous trees).

Miti inenge yakadyarwa yakatenderedza minda inoshanda zvakare mukudzivirira mhepo iyo inogona kutyora mashizha efodya apo inenge yakura.

Varimi vakatodyara miti iyi vanokurudzirwa kuti vasateme inenge iri kudivi rinowanzobva nemhepo kuitira kuti igogama mhepo iyi.

Kuti munzwe zvakawanda ridzai nhare kumahofisi eTIMB panhamba dzinoti 08677004624/6, 0772145166/9, 0279-22082/21982, 025-3439, 067-24268/29246, 0277-2700, 064-7280 ne0271-6772.

Munogona kuti bata pamanhamba eToll Free zvakare anoti 08006003 / 0731999999 / 0712832804.

Kana padandemutande rinoti: [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>