‘Inonwiwa kuti uite mari’

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
‘Inonwiwa kuti uite mari’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
IMWE nyanzvi yezvechivanhu, inoti weti yevanhu inoshandiswa pamwe chete nemishonga nevamwe vanoshereketa kuti mabhizimisi avo ekutsvaga mari abudirire.

Izvi zvinotevera nyaya yemumwe mukadzi anonzi akarohwa neveruzhinji kuGokwe mushure mekunge akumbira kutenga weti yemudzimai akazvitakura nemari inosvika $500 achiti anoda kuishandisa.

Sekuru Freddy Sekenhamo Makudo, avo vanova nhengo yeZinatha, vanoti weti yemadzimai akazvitakura inowanzoshandiswa nevane mabhizimisi ekutengesa zvakasiyana.

“Weti yemadzimai akazvitakura inowanzoshandiswa nevanhu vari mubhizimusi rekutengesa. Vanoenda nayo kun’anga yonosanganiswa nemishonga, mushure mezvo munhu anoinwa,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Izvi zvinoreva kuti munhu uyu anenge apfekwa nemweya yevanhu vaviri – wemudzimai akazvitakura uye mwana ari mudumbu. Saka kana zvadai, vanhu vanomuona vanenge vave kumunzwira tsitsi pamwe nekumufarira sezvinongoitwa munhu akazvitakura, nekudaro vanobva vatenga zvinhu zvake. Zvinonzizve weti inonzi inobvisa munyama kana rushambwa.”

Vamwe ndivo vanoti weti inoshandiswa nepfambi apo dzinoizora kumeso dzichida kukwezva varume uye vamwewo vanonzi vanoipa kuvarwere vepanhowo kuti vakasike kupora.

Asi chamangwiza wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vanoti kunwa weti hakuna kunaka sezvo ichikanganisa utano.

“Vanhu ivavo vari kunwiswa weti vachifunga kuti vari kurapwa muchivanhu vari kukanganiswa utano hwavo. Mamwe madzimai akazvitakura iwayo anogona kudaro aine zvirwere zvepabonde, kureva kuti munhu wose anotora weti yavo achiinwa ane mukana wakakura wekubatira zvirwere zvepabonde nezvimwe.

“Kunyangwe isu mukurapa kwedu, hatingati vanhu huyai kuchipatara tikurapei neweti dzemadzimai akazvitakura. Hakusi kurapa ikoko asi kuwedzera zvirwere. Ndivo vanhu vatinozoona vave kuuya kuzvipatara vachirwara vasisazive kuti zvakabva nekupi,” vanodaro Dr Moyo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey