Uncategorized

‘Inyoka dzemidzimu’

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
‘Inyoka dzemidzimu’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti nyoka dzerudzi rweshato — idzo dzinonzi dziri kuonekwa dzichidya sadza rinenge raraswa pajekerere kwaRukweza, kwaRusape — chiratidzo chekuti pane zvakakanganiswa pachivanhu.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano reZinatha, vanoti shato nguva zhinji dzinoshandiswa nemidzimu kana kuti masvikiro sezviratidzo zvezvakasiyana.

“Vagari venzvimbo iri kuonekwa nyoka idzi ngavafambe pachivanhu vaende sekumasvikiro, voudzwa zviri kuedza kududzirwa nenyoka idzi nekuti hatisati tambonzwa shato kana dzimwe nyoka inodya sadza asi nyama,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naSekuru Friday Chisanyu, mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association, vachiti shato idzi dzine chirevo chikuru.

“Shato hadzirwise vanhu kana kuvavhundutsira. Nyaya yekuti dzave kuwanikwa dzichitsvaga sadza mudzimba dzevanhu fanika imbwa zvinoratidza kuti pane zvakavhiringidzwa munzvimbo iyi nekuti nyoka hadzidaro,” vanodaro.

Vanoti kana vanhu vakawana chavanokanganisa, midzimu inogona kuvaranga kuburikidza nenzira dzakasiyana.

“Kuuya kwemakonye chaiko achidya zvirimwa, makudo kana dzimwe mhuka zvichiparadza minda tikadzokera kuchivanhu tinotaurirwa kuti pane zvinenge zvakanganiswa. Saka vakuru vari munzvimbo iyi ngavatsvage kuti dambudziko iri rabva kupi,” vanodaro.

Zvakadai, bazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka munyika, reParks and Wildlife Management Authority rinoti nyoka idzi dzinofanirwa kuchengetedzwa sedzimwe mhuka, kwete kuuraiwa.

VaSimukai Nyasha, avo vakafanobata chigaro chemukushi wemashoko kubazi iri, vanokurudzira vagari venzvimbo iyi kuti vasakanganise nyoka idzi kusvikira vashandi vebazi ravo vaenda kunodzitora.

“Imhosva kuuraya nyoka kana imwe mhuka zvayo. Shato imhuka dzakachengetedzwa zvikuru pamitemo yenyika ino saka tinokurudzira vagari venzvimbo iyi kuti vachengetedze nyoka idzi kusvikira taendako kunodzitora,” vanodaro.

Panyaya yekuti nyoka idzi dziri kudya sadza rinenge raraswa, VaNyasha vanoti sekuziva kwavo shato hadzidye sadza kana kutetena mabhonzo.

“Chokwadi ndechekuti shato dzemusango hadzidye sadza, dzinoda nyama yemhuka yadzauraya uye hadzidye chakafa choga, dzinorwisa mhuka dzomedza,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti munhu akaisa shato mukeji, oikandira kana huku yakafa yoga, haidye asi ikaisirwa huku mhenyu kana mhuka mhenyu inouraya yoga.

Panyaya yekuti bazi ravo rinobhadharisa kuti vanobvisa mhuka kana nyoka muvanhu, vanoti izvi zvinoitwa pachena vachibatsirana nemakanzuru.

“Dambudziko rikasvika munzvimbo zvakaita sekumaruwa kana kumapurazi, tinotaura nekanzuru yobatsira nemotokari isu tisati tasvika, tozoenda kunobata dzingava mhuka kana nyoka,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey