Ipai Hurumende itsva nguva

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

ZVIZVARWA zveZimbabwe zvakatarisira zvakawanda zvekuti Hurumende itsva iri kutungamirirwa naPresident Emmerson Mnangagwa inge ichigadzirisa.

Makurukota matsva edare reCabinet akasarudzwa ndokutoreswa mhiko neMuvhuro uno zvichireva kuti veruzhinji vave kutarisira kuti vaite basa sebasa. Zimbabwe pari zvino yakatarisana nematambudziko ane chitsama, mamwe acho anoda kugadziriswa nekukasika kozoita mamwe anogona kugadziriswa nekufamba kwenguva.

Rimwe rematambudziko anoda kugadziriswa nechimbi-chimbi nderekushaikwa kwemari kumabhanga.

Iri idambudziko guru sezvo kushaikwa kwemari kuchikanganisa nyaya dzekusimukira kweupfumi hwenyika.

Vanhu vari kutambudzika kuti vange vachiwana mari kumabhanga sezvo vamwe vari kurara vari pamitsetse yemabhanga vakamirira kuwana mari.

Kunze kwaizvozvo, mitengo yezvimwe zvinhu iri patatu — wevanobhadhara nemari musvo, weEcoCash nevanoshandisa makadhi ekubhanga (swipe) zvisinei nekuti vanenge vachitenga chinhu chimwechete.

Zviri pachena kuti uku kubira vatengi, nekudaro dambudziko iri rinofanira kugadziriswa nekukasika.

Vaya vane zvitoro zvinopa vanhu mari neEcoCash vari kubirawo vanhu sezvo vamwe vari kuti kana munhu achida kutora mari inosvika $100, ivo vomupa $75 imwe $25 votyorera muhomwe chinova chikiribidi chisina kunaka zvachose. Rimwe dambudziko rinoda kugadziriswa nekuchimbidza nderekuti varimi vawane zvekushandisa zvakadai semafetireza nembeu nguva ichiripo. Izvi zvinobatsira pakuti varimi vafambirane nemwaka sezvo musimboti weupfumi hwenyika uri pakurima.

Mwaka wadarika, Zimbabwe yakava nemaguta kuburikidza nerutsigirwo rweHurumende rwechirongwa cheCommand Agriculture nekudaro zvekushandisa zvinofanira kuendeswa kuvarimi nenguva.

Zvakakoshawo kuziva kuti matambudziko akatarisana nenyika aya haapere nezuva rimwe chete naizvozvo veruzhinji vanofanira kuve nemwoyo murefu. Hurumende inoda nguva yekuti inge ichitora matanho ekugadzirisa zviri kunetsa.

Mamwe ematambudziko aya ave nemakore akawanda aripo, nekudaro anodawo nguva yekuti agadziriswe.

Kune vamwe vane miromo mirefu vange vatotanga kutaura zvakawanda-wanda kare pamusoro peHururende itsva iyi, panguva iyo isati yambopedza kana mwedzi yavepo.

Kwete, ngatipei Hurumende nguva yekuzadzikisa zvainovimbisa veruzhinji.

Nyaya dzehuwori ndidzo dzimwe dzange dzaondonga kusimukira kweupfumi hwenyika nekudaro vange vachiita huwori vanofanira kuchera kakomba vosvipira mate, vobva vafushira zvachose.

Avo vane zvavakaba vanofanira kutora mukana wavakapihwa neHurumende wekuti vadzose zvavakaba izvi. Kunyanya vose vakaendesa mari kunze kwenyika zvisiri pamutemo, vanofanira kudzora mari iyi sechisungo chakapihwa neHurumende.

Zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvitangise patsva uye zvakabatana mukusimudzira upfumi hwenyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>