Uncategorized

Iriko mishonga yemari: zinatha

08 May, 2015 - 00:05 0 Views
Iriko mishonga yemari: zinatha

Kwayedza

MUKURU wesangano ren’anga nemaporofita, reZINATHA, VaGeorge Kandiyero, vanoti zvakaitwa naHonest Sibanda wekuMberengwa, uyo akanotsvaga mishonga yekuti aite mari kuSouth Africa hachisi chinhu chitsva sezvo muno munyika zvichiitwa nevakawanda.

“Muno chaimo muZimbabwe mune n’anga dzinoita izvi, zvisinei kuti mitemo yedu seZINATHA haizvibvumidze. Mishonga yakadai inofambirana nekuchekeresa hama kana vatorwa,” vanodaro.

Vanoti kune vamwe vanhu vanoenda kun’anga vanotaurirwa kuti uraya mwana mudiki kana vamwewo vanhu.

“Nyaya dzekuchekeresa muno dzirimo zvinokonzerwa nen’anga dzinopa vanhu mishonga yakaipa. Kudunhu reChipinge nenharaunda dzekuHurungwe, kuMatebeleland nedzimwewo nzvimbo kuchine zviitiko zvakadai, zvevanhu vane pfungwa dzekutsvaga mari nekuchekeresa.”

Vanoti mimwe yemishonga iyi inokonzera vanhu kuita zvinhu zvisizvo, zvakafanana nekunzi murume ashinhe naamai vake kana nehanzvadzi yake, kana kunzi asherekete nemhuka.

VaKandiyero vanoti dzimwe nguva vanhu vanonzi vaende kunopinda mumakuva usiku vachinzi vanotora simba revanhu vakafa.

“Imwe mari ine vanhu muno haiyemurwe sezvakaitika kumurume uyu. Tinoti vanhu ngavashande vawane mari kwete zvemishonga nekuti zvinoparira vehukama mune ramangwana. Saizvozvi murume uyu akazotizira kunobatsirwa kureva kuti mari iyi haina rugare. Tine mabhizimisi muno anoita mashiripiti, zvitoro zvine dzimba dzisingavhurwe nenyoka dzinoonekwa mudzimotokari nezvimwe, imari dzemishonga idzodzo.”

Zvakadai, mutauriri wemapurisa munyika Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti nyaya yemurume uyu ari kubuda pachena kuti akachekeresa mwana wake kun’anga kana iine umboo imhosva inofanirwa kuferefetwe vane mhosva vosungwa.

“Tinoti zvisinei kuti murume uyu akaitira nyaya iyi kuSouth Africa, vanhu ngavaende kunomhan’ara pozivikanwa kuti mwana wacho ainzi ani nekuti n’anga yacho yakanoita izvi ndiyani uyewo kuti iri kupi nekuti kuuraya munhu imhosva,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey