Itsitsi hwai kubvisa mwana wemvana madzihwa?

31 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Itsitsi hwai kubvisa mwana wemvana madzihwa?

Kwayedza

RAKAVE zinzwa wanzwa kuti pane munhu anyangarika mumusha weGlen View 7, muHarare. Takazonzwa kuti munhu uyu anonzi Itai Dzamara, mutori wenhau uyewo ari munhu ari mune zvamatongerwo enyika achitsigira mapato anopikisa Hurumende, mapato namasangano anopihwa rubatsiro nenyika dzokumadokero seUnited States of America, Canada nenyika dziri muEuropean Union.

Dzamara anonzi akashaikwa musi wa9 Kurume aenda kunogerwa kuma10 o’clock mangwanani. Kubva ipapo kusvika nhasi, haasati awanikwa kana kuzivikanwa kwaari.

Mapurisa akakumbira vangazive kwaari kuti vavape mashoko uyewo vakadeedzera mugove we$10 000 kune anouya noumboo hunoita kuti Dzamara awanikwe kana kuti kuzivikanwe kuti ari kupi.

Izvi zvinhu zvave muvanhu zvataita nhangaruvanze kuti tibate-bate zvimwe zvinhu zvatinoona zvichiitwa chikunyanguo panyaya iyi. Kana tikarova imbwa takaviga mupini hapana kwatinosvika kunyanya imwe pfungwa yavanhu vanopikisa Hurumende ichivapomera mhosva yokuti vanoziva zvakaitika.

Mukwende anotsinhira mashoko akabva kuHurumende kuti vamiririri venyika dzokunze vari pakati penyaya iyi vari kutsvagei? Inyasha dzei tsvimborume kubvisa mwana wemvana madzihwa?

Hatirambi kuti Dzamara “haazivikanwi” kwaari, asika dai zvavari kuita zviri izvo zvavakaita pamagamba akaita saDr Edison Sithole naHelen Mhlanga, taiti aiwa, regai vamhanye-mhanye nokuti vane chido chokuziva kuti munhu ashaikwa aripi.

Vane unyanzvi panyaya idzi zvokuti dai tave kuziva kuti Dr Sithole vakaonei pavakangotorwa panze peAmbassador Hotel, muHarare, muna Gumiguru 1975. Nyika dzokumadokero hadzina kuita hanya nazvo kuti vatsvage chakavamedza.

Kumiririra kodzero dzavanhu kwakaita sei kana kodzero dzave kuiswa pachikero? Pasi pemusuva wesadza wekodzero idzi panei?
Vanogara mumisha inogara ruzhinji mumadhorobha sezvakaita musha wakashaikirwa Dzamara vanoziva kuti chiitiko chinoitika rakacheka nyika, chine rukokera. Hazvaitora nguva kuona vanhu vaita chaunga vachiona munhu wavanoziva akasungwa achiiswa mumotokari?
Iye munhu airatidzira ari oga muAfrica Unity Square, akazvimisira kurwisana neHurumende aingopereka maoko kuti asungwe asina kumborambawo? Kufa kwomurume kubuda ura. Apa ndipo paaifanirwa kuita zvinorova kuti chamuvinga chionekwe noruzhinji mumusha maanogara.

Paitomhanyidzanwa – vamwe vachitora mifananidzo kana nenharembozha. Pasina nguva zvaitenge zvazara paWhatsApp, Facebook kana paTwitter nemawebsite epaInternet. Asi katorerwo aka kakangoita kunge munhu anotorwa chimhukutira, pakati pousiku. Saka vanhu nharembozha dzapamusoro dzinofambisa mashoko nemifananidzo vanodzidii?

Ko iye Dzamara zvaanonzi akadzoka mubarber shop kunotora foni yake yaakange asiya wani. Vazhinji vanobvunza kuti chakaita kuti asafonere mudzimai wake chii achimuudza zvaitika nekwaakange aendeswa kana akange atorwa namapurisa nenyaya yokuba mombe?
Dai pasina vaimugera vakatuma nhume, mhuri yake yaizoda kutangira papi?

Share This:

Sponsored Links