Iva hurudza ne11 Ton plus Club

10 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Iva hurudza ne11 Ton plus Club

Kwayedza

Daphne Machiri —
KAMBANI huru uye iri nyanzvi munyaya dzekuuchikwa kwembeu munyika muno, yeSeed Co Zimbabwe yakatunzvaidza varimi vakakohwa pakuru pasi pechirongwa chayo che11 Tonne Plus nekuvapa mibairo yakasiyana.

Varimi vakapihwa mibairo ava ndevamwe vakakohwa matani echibage 11 zvichikwira pamunda wakakura hekita imwe chete.

Vachitaura pachiitiko ichi muHarare, VaDenias Zaranyika, avo vanove managing director weSeed Co vanoti munyika muno mune maguta nekuda kwekushanda nesimba kwevarimi.

VaZaranyika vanotenda zvikuru Hurumende nekutsigira kwairi kuita mabasa ekurima pasi pechirongwa cheCommand Agriculture nekupa varimi zvekushandisa zvinosanganisira mbeu nemafetireza.

“Maguta munyika arimo kubudikidza nechirongwa cheCommand Agriculture zvinova zvatipa kuti tipembedze vamwe vevarimi vakashanda nesimba mukusimudzira goho ravo mwaka wadarika. Pasi pechirongwa che11 Tonne Plus, vamwe varimi vakawana goho rinopfuura matani 11 echibage pamunda wakakura hekita imwe chete,” vanodaro VaZaranyika.

Vanoenderera mberi vachiti: “Iye zvino tave kutarisira kuti chirongwa che11 Tonne Plus chiitwewo kune zvimwe zvirimwa zvinosanganisira soya bhinzi negorosi. Naizvozvo tinokurudzira varimi kuti vagadzirire mwaka nguva ichiripo.

“Sekambani yeSeed Co, hatisi kuzodzokera shure mukutsigira kurimwa kwembesa diki.”

Mubairo mukuru mumakwikwi e11 Tonne Plus wakahwapurwa naVaTinashe Ziki vekuMashonaland West, avo vakawana matani anosvika 22 pahekita imwe chete.

VaZiki vakaenda kumba nemubairo unosanganisira motokari yerudzi rweNissan Hardbody NP 300 uye vachawana mukana wekushanyira nyika yeFrance pamwe chete nemudikani wavo.

Muhurukuro naVaKudakwashe Kudenga vekuMarondera – avo vakahwina mubairo wechipiri – vanoti vakawana goho rechibage rematani 21 pahekita imwe chete.

VaKudenga vakapihwa mubairo wefarm trailer, 5 tine marshal chisel plough nezvimwe zvakasiyana.

“Ndava nemakore akawanda ndiri mune zvekurima uye ndine Degree in Agriculture, saka zvekurima zviri muropa,” vanodaro.

Vanoti zvakakosha kuti murimi aronge basa rake nguva ichiripo.

“Murimi akarongeka anofanirwa kugadzira munda wake nguva ichiripo uye oona kuti ane zvekushandisa kwemwaka wose. Mwaka uri kutevera uyu ndinokurudzira vechidiki kuti vapinde mune zvekurima tisimudzire upfumi hwenyika yedu,” vanodaro VaKudenga.

Share This:

Sponsored Links