Iye munhu ngaafare: Mare

09 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Iye munhu ngaafare: Mare

Kwayedza

MUIMBI wemusambo weAfro-Pop neJazz Cynthia Mare anoti kunyangwe zvazvo vatsigiri vake vachimuziva nekutsikisa nziyo dzinosuwisa munhu anoda zvemafaro zvikuru.

Izvi zvinotevera kutsikisa kwaakaita vhidhiyo rekambo kanonzi Ngoro rinove remafaro.

Mare – uyo ane mukurumbira nenziyo dzinosanganisira Zuva rimwe, Pfugama Unamate naNdichamira Newe —anoti parizvino ari mushishi kubika DVD redambarefu rake rinonzi Shinga.

DVD iri rinenge riine dzimwe nziyo dzaakamboimba kare dzinosanganisira Zuva Rimwe, Hatina Musha, Catch If You Can naMoto Ngaubvire. “Dambarefu rangu Shinga rakafarirwa zvikuru nevatsigiri vangu saka ndakafunga kuti ndivabikire DVD sezvo vachigara vachiti vanoda kuona mavhidhiyo.

“Parizvino ndakaburitsa vhidhiyo yekambo kanonzi Ngoro ako takaita naJohn Cole, kambo aka takakatsikisa sekuseka uye kakabva kafarirwa nevatsigiri vangu. Tatozoona kuti kanofarirwa takatoronga kutsikisa vhidhiyo yako.

“Pakambo aka, takaita zvimwe vatsigiri vangu zvavasingambofungire sezvo vajaira kunzwa mhanzi yangu inosuwisa asi iyi ndeyemafaro iri kufarirwa uye ndicharamba ndichitsikisa imwe inonakidza kudai,” anodaro Mare.

Anoti DVD rake iri ari kuronga kuri parura munguva inotevera asi haazi kuzozivisa kuti anoriparura rinhi nekuda kwenyaya yekutengeswa kwemhanzi pamisika yemikoto kuburikidza nepairesi.

“Machinda epairesi ndinoziva kuti vanenge vakamirira kunzwa kuti tinoburitsa rinhi mhanzi yedu kana maDVD vodya pavasina kukohwa.

“Manje ini handisi kuzozivisa kuti DVD richabuda rinhi nekuti tinoda kutanga taitawo mari kana pairesi ichizodya yodyawo pamberi apo asi iniwo ndambokohwa kubva mubasa rangu,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links